Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCCC Dzinoti Dzakasungwa Mushure Mekumhan'ara kuMapurisa Kuti Dzarohwa nedzeZanu-PF


Vamwe vatsigiri vebato reTripple C vaviri vanoti vakarohwa mumhirizhonga yezvematongerwo enyika mwedzi wapera nhasi vamiswa pamberi pedare reGutu Magistrate vachipomerwa mhosva yekurova vatsigiri veZanu PF.

VaJevas Makumbe pamwechete nemwana wavo Tinotenda vamira pamberi pedare reMagistrate svondo rino, VaMadhlenkosi Ndlovu vachipomerwa mhosva yekurova vatsigiri veZanu kunyange vachiti ndivo vakarohwa uye vakatanga kunomhan’ra kumapurisa.


Vaviri ava vange vachimirirwa negweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaMartin Mureri vati dare ravati vazodzoke musi wa 28 mwedzi uno.

Vari kupomerwa mhosva yekutyora chikamu 89 chemutemo weCriminal Law
Codification and Reform Act Chapter 9:23. VaJevas Makumbe vati zviri kuvakatyamadza kuti sei vari kumiswa pamberi pedare.

Izvi zvatsinhirwawo nemutauriri webato reTripple C muMasvingo VaDereck Charamba vakurudzira kuti mapurisa asatarise kuti wabuda mumba maani.

Mapurisa anonzi akadaidza vatsigiri veZanu PF vaiita mhirizhinga vakavanyoresa magwaro ekuvayambira chete (Warned and Cautioned statements) ndokuvaregedza.

Mutauririri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa vange vasingadairi nhare yavo.
Apowo mutauriiri wemapurisa munyika, Assistant Comissioner, Paul Nyathi vati vanoda kubata vakuru vemapuirisa veMasvingo kuti vatipe divi ravo.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu vachiona nezvezvekufambiswa kwemabasa muCitizens Action in Southern Africa(CIASA), VaArchibold Madida vanoti zviri pachena kuti mapurisa arikuita basa
akarerekera divi rimwe.

Mwedzi wapera vatsigiri vebato reCCC vanodarika gumi vakarohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZanu PF vanonzi vanozivikanwa asi havana kusungwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG