Accessibility links

Breaking News

VaGeorge Charamba Voshora America paNyaya yeZvirango- VaRugare Gumbo Vachifara Kuti Vabvisirwa Zvavo


VaGeorge Charamba
VaGeorge Charamba

Mutauriri wemutungamiriri wenyika, VaGeorge Charamba vashora zvikuru kuiswa kwemakambani amuzvinabhizimisi VaKuda Tagwirei pazvirango vachiti chinangwa chenyika yeAmerica kuda kuvhiringidza hupfumi hweZimbabwe.

Asi America inoti zvirango hazvina kutemerwa nyika sezviri kutaurwa naVaCharamba asi kuti vanhu vanotonga nedemo uye kuita zvehuwori zvinopa kuti vakawanda vanonge svosve nemuromo.

VaCharamba vaudza Studio 7 kuti chinangwa chikuru cheAmerica ndechekuda kukanganisa hupfumi hweZimbabwe sezvo makambani atemerwa zvirango achibatsira varimi kunyanya. Vati hapana zvirango zvinonzi zvakanangana nevanhu chete zvisingakanganise nyika. Vatiwo America inoda kuti Zimbabwe iigwadamire kwete kuti izvimiririre.

America nezuro yakazivisa kuti yainge yatemera zvirango mwanakomana wemutungamiri wenyika Emmerson Mnangagwa Junior, Amai Sandra Muounga, mudzimai weshoroma VaKudakwashe Tagwirei vakatemerwa zvirango muna 2020 uye vamwe vavanodyidzana navo.

Mumwe atemerwa zvirango ndi VaObey Chimuka vekambani inonzi Fossil Contracting inoshanda naVaTagwirei yakapihwa basa remari inosvika mamiriyoni makumi masere nemashanu emadhora kana kuti US$85 million yekuvaka bvukawapfuka kana kuti Mbudzi Round About muHarare.

Mumwe atemerwa zvirango ndiAmai Nqobie Magwizi vanoshanda nekambani yeSakunda yaVaTagwirei.

Asi nyanzvi munezvematongerwo enyika vaGibson Nyikadzino vati America haiteereri zviri kutaurwa neUnited Nations, Au neSADC zvekuti zvirango zvibviswe

VaOwen Dhliwayo vanoshanda nePlatform for Youth Development vati kuiswa kwezvirango kunobatsirawo mukuti vanoita huori munyika nekutyora kodzero vazive kuti zvavanoita zvakaipa zvine mubairo.

Vanoongoror nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vatiwo zvirango ibakatwa rinocheka nekwose.

America yabvisawo mamwe makurukota nevaimbove makurukota ebato reZanu PF pazvirango.

Vaimbove mutauriri webato reZANU PF uyewo vari nhengo yeZANU PF vaRugare Gumbo ndeumwe wevanhu zana nemakumi manomwe vabviswa pazvirango. VaGumbo vati vafara zvikuru sezvo vanga vari kutambura kuwana mari dzavo kunze kwenyika.

Vamwe vabviswa vanosanganisira VaDavid Chapfika, VaIgnatious Chombo, VaNicholas Goche nevamwe.

America yakatanga kutemera vamwe vakuru muhurumende yeZimbabwe zvirango muna2003. European Union yakatemerawo vamwe vakuru vehurumende ava zvirango muna 2002. Asi hurumende yeZimbabwe inoti zvirango izvi zvakatemerwa nyika mushure mekunge hurumende yapa ivhu kuvatema.

Asi America inoti yakaudza Zimbabwe kare kuti iremekedze bumbiro remitemo yayo kuti zvibviswe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG