Accessibility links

Breaking News

PRAZ Yotenda Kuti Yakakanganisa Kupa Kupa Paramende Mvumo Yekuti Itenge maComputer neMari Yakawandisa.


VaJacob Mudenda 
VaJacob Mudenda 

Kambani yeProcurement Authority of Zimbabwe (PRAZ) inoti iyo neparamende, vakakanganisa kupa matenda ekutenga maComputers kumakambani eBlinart neMid-End Computers nemari iri pamusoro soro vachiti ndosaka vakakurudzira kuti paramende isiyane nematenda aya bazi rezvemari risati raramba kubhadhara matenda aya.

Izvi zvataurwa nemukuru wePRAZ, VaClever Ruswa, paongororo iri kuitwa nekomiti yeparamende inoona nezvemashandisirwo emari yehurumende yePublic Accounts Committee.

VaRuswa vaudza komiti iyi kuti paramende yakapa makambani aya matenda kunyangee hazvo aive nemitengo yakapetwa kana kudarika mari yayainge yatara kuti ichashandisa kutenga maLaptop neComputer aya.

Blinart yaitengesa Laptop imwe chete neUS$9 300. ukuwo Mid-End ichida mari inodarika US3 000 paDesktop imwe chete.

VaRuswa vabvuma kuti ivo sePRAZ vakakanganisa kupasisa magwaro ematenda pamakambani maviri aya vachiti zvakaitwa nemushandi wavo ainge achongopinda basa.

Vati izvi ndizvo zvakaita kuti komiti yavo inoongorora matenda yeSpecial Procurement Oversight Committee ipasise magwaro eparamende kunyange hazvo painge paine humbowo hwekuti paramende yaida kutenga maComputer aidhura kudarika zvayainge yakaraonga kutenga.

Vachibvunzurudzwa kuti sei vakasvika pamitengo we US9 9314.49, paLaptop imwe chete, mukuru weBlinart, Amai Elizabeth Muchenje, vati mutengo uyu wakakwira nekuti pane zvimwe zvaidiwa uyewo waisanganisira mitemo yeZimbabwe Revenue Authority, mari yavo yekufambisa, nekutakura
zvinhu, pamwe neyekurara muhotera apo vaizoenda kuDubai kunotenga maLaptop.


Vatiwo vaizobhadharwa mari iyi ari maRTGSs. Asi vange vakafanobata chigaro chasachigaro wekomiti, VaWillas Madzimure, veCitizens Coaliton for Change havana kufara kuti Amai Muchenje vainge vabhadharisa US39???? paLaptop imwe pamaLatop ese zana nemakumi manomwe nematatu semari yepekurara kana kuti Accomodation.

Mumiriri, weNorton VaTemba Mliswa vati nyaya yekushanda kweBlinart haina kunyatsojeka.

Vaenderera mberi vachiti pane vamwe vanhu vari kuda kusvibisa kambani iyi. Asi VaMadzimure vavaudza kuti paramende ine mvumo yekuvabunza mibvunzo yese yavanoda.


Imwe nhengo yekomiti iyi, VaMarko Raidza veZanu PF vanomirira, Mberengwa North vaudzawo Amai Muchenje kuti vanofanira kupindura mibvunzo yose semunhu atora mhiko yektaura chokwadi.

Vachipawo humbowo pamusoro penyaya iyi, mukuru weMid End Computres VaSaulu Sakudya, avo vakawanawo tenda vati vanotenga maComputer avo kuDubai uyewo mitengo yavo vakaisa profit yezvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 20 percent pamwe nemitengo yezvimwe zvinhu zvaida kuwedzerwa pamaComputer aya zvakaita seSoftware.

Vanotiwo dzimwe nguva vanotokwereta zvinhu kuDubai sezvo vasingawane mari pamusika weRBZ nenguva.
Zvichakadai mukuru wekambani yeAvantis, VaAri Goldstein, vaudza komiti iyi kuti vakanyorera munyori mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga, pamwe neZimbabwe Anti-Corruption Commission mushure mekunge vashaya tenda kuparamende asi vaive nemitengo iri pasi. VaGolstein yaida kutengesera Parliament laptop imwe chete nemutengo weUS3, 395 uye desktop imwe neUS$2 124. Ongororo yenyaya iyi iri kuenderera mberi uyewo ZACC yave kuferefeta nyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG