Accessibility links

Breaking News

Breaking...America Yotemera Zvirango Emmerson Mnangagwa Jnr neMudzimai waVaTagwirei


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Hurumende yeAmerica nhasi yatemera zvirango mwanakomana wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa Junior naAmai Sandra Mupunga mudzimai weshoroma VaKudakwashe Tagwirei avo vagara vakatemerwa zvirango.

Office of Foreign Assets Control kana kuti OFAC iri mubazi rezvehupfumi muAmerica inozivisa nezvezvirango izvi yati Mnangagwa Junior ndiye anomirira baba vake, VaEmmerson Mnangagwa, mumabhizimisi avo mamwe avanodyidzana naVaTagwirei.

Mumwe atemerwa zvirango ndi VaObey Chimuka vekambani inonzi Fossil Contracting inoshanda naVaTagwirei yakapihwa basa remari inosvika mamiriyoni makumi masere nemashanu emadhora kana kuti US$85 million yekuvaka besaniswa kana kuti Mbudzi Round About muHarare.

Mumwe atemerwa zvirango ndiAmai Nqobie Magwizi vanoshanda nekambani yeSakunda yaVaTagwirei.

Mumashoko kuvatori venhau, America yati yabvisa pazvirango vamwe vaiva makurukota vakaita saVaRugare Gumbo, VaIgnatius Chombo, Amai Flora Buka, VaChenhamo Chimutengwende nevamwe.

Hatisati takwanisa kubata gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa kuti tinzwe divi rehurumende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG