Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemusi weChipiri muWashington DC vari kuparura musangano wekudyidzana nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica kana kuti US-Africa leaders’ summit.
Kunyangwe hazvo vatungamiri venyika dzemuAfrica vakawanda vakakokwa kumusangano uyu, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga havana kukokwa nenyaya dzezvirango zvavakatemerwa vachipomerwa mhosva dzekutonga nedemo.
Vamwe vatungamiri vasina kukokwa nekuda kwekupidigura hurumende nechisimba vanosanganisira veSudan, Mali, Burkina Faso neGuinea avo vakambomiswa kuva nhengo dzesangano reAfrican Union. Vatungamiri makumi mana nevashanu ndivo vakakokwa kumusangano uyu.
Zimbabwe inenge yakamirirwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe VaFrederick Shava.
Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vainge vakokwa vanonzi havachakwanise kuenda kuAmerica. VaRamaphosa vakatarisana nemhosva huru yavari kupomerwa yekuita zvehuwori vamwe vachiti vanofanira kumanikidzwa kusiya basa.
Pane kukandirana makobvu nematete pakati peAmerica neZimbabwe nenyaya yezvirango iyi. Zimbabwe inoti zvapa kuti hupfumi hwenyika hugwadame. Asi America inoti huwori nekutadza kutungamira ndiko kwapa kuti hupfumi hwenyika hunange kumawere.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira sangano reZimbabwe Chamber of Commerce, VaCallisto Jokonya, vanoti musangano uyu wakakosha kuAmerica iyo yave kusaririra munyaya dzezvekudyidzana neAfrica zvapa mukana wakakura kuRussia neChina.
Asi hurumende yeAmerica inoramba kuti kuda kukwikwidzana neChina neRussia ndicho chinangwa chikuru chemusangano uyu.
Facebook Forum