Accessibility links

Breaking News

England neFrance Dzotatsurana muKotafainari yeMutambo weWorld Cup, Zvimwe Zvikwata Zvikuru Zvichiburitswa muMakundano Aya


Mutambi weFrance Kylian Mbappe nemutambi weEngland Harry Kane
Mutambi weFrance Kylian Mbappe nemutambi weEngland Harry Kane

Zvikwata zveEngland neFrance zviri kupinda munhandare manheru ano kurwira nzvimbo musemi fainari yeFIFA World Cup 2022, zuva rimwechete Brazil ichangobva kubuditswa mumakundano aya.

England neFrance dziri kusangana na9pm manheru ano kurwira nzvimbo yesemi fainari yeFIFA World Cup 2022, umo matove neAgentina neCroatia kare.

Mutambo uyu wakaoma zvikuru zvekuti veruzhinji vane maonero akasiyana -siyana kuti anokunda ndiani?

Munyori wenhau dzemitambo anogara kuEngland, Admire Muhimeke, anoti munyika iyi hamusi kudaidzwa anonzwa nemhaka yemutambo uyu.

England haisati yakundwa kumakwikwi aya mushure mekurova Iran, Wales neSenegal nekuita mangange neUSA.

Vanoita zvekubheja mitambo yenhabvu, VaTeddy Dzuwa, vanoti zvikwata izvi zvakaenzana masimba zvekuti zvichaita mangange, England yozokunda nemapenareti.

England ichange ichitarisira zvibodzwa kubva kuna Harry Kane, Marcus Rushford, Phil Foden naBukayo Saka, ukuwo France ichitarisirawo mashiripiti kubva kuna Kylian Mbappe.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaAaron Tembo, vanoti vari kuona England ichirohwa mumutambo uyu.

Chikwata chinokunda mumutambo uyu chinobatana neArgentina neCroatia idzo dzatove muma semi fainari kare.

Argentina yakarova Netherlands asi chakashamisa veruzhinji kukundwa kwe Brazil iyo yakarohwa neCroatia nemapenareti.

Brazil, iyo ine vatambi vane mukurumbira vakaita saNeymar, Richarlison, Vinicius Jr, Danilo, naGabriel Jesus, yave munzira kudzokera kumusha.

Izvi murairidzi wemutambo wenhabvu, Darlington Dodo, anoti zvinoratidza kuti nhabvu yasanduka zvekuti hakusisina zvikwata zvinonzi zvidiki munhabvu mazuva ano.

Masemi fainari emakundano aya ariko musi weChipiri neChitatu svondo rinouya, apo neChipiri Croatia iri kusangana neArgentina, fainari ichizotambwa musi weSvondo svondo rinouya zvekare.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG