Accessibility links

Breaking News

Morocco Inoita Chikwata Chekutanga Chinobva kuAfrica Kupinda muSemi Fainari yeWorld Cup Mushure meKurova Portugal


Chikwata cheMorocco mushure mekurova Portugal kuFIFA World Cup kuQatar.
Chikwata cheMorocco mushure mekurova Portugal kuFIFA World Cup kuQatar.

Morocco yaburitsa Protugal mumakwikwi eFIFA World Cup ari kutambirwa kuQatara kushure mekukunda 1-0 mumakota fainari.

Chibodzwa cheMorocco chabva kuna Youssef En-Nesyri, uyo anwisa nemusoro muchikamu chekutanga chemutambo uyu.

Kukunda kweMorocco uku kwaita kuti ive chikwata chekutanga chemuAfrica kupinda mumasemi fainari emukombe weWorld Cup.

Vakawanda vanotevera nhabvu vanga vasingafungire kuti Morocco ingaburitsa Ronaldo nechikwata chance muWorld Cup, asi vakuru vakati chinhu chose chine zuva racho, nhasi raita zuva reMorocco.

Vakawanda vanotevera nhabvu munyika nemuAfrica, vafadzwa zvikuru nezvitwa neMorocco izvi, vamwe vachiti zvaisa Africa pamusoro munyaya dzenhabvu. Morocco ichasangana musemi fainari neChitatu nechikwata chichakunda pamutambo uri pakati peEngland neFrance manheru ano.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG