Accessibility links

Breaking News

Lionel Messi Anotungamira Argentina Kupinda muSemifainari yeWorld Cup Mushure meKurova Netherlands muMapenareti


Lionel Messi atungamira chikwata chake cheArgentina kupinda mumakwikwi eFIFA World Cup 2022 semifainari.
Lionel Messi atungamira chikwata chake cheArgentina kupinda mumakwikwi eFIFA World Cup 2022 semifainari.

Argentina yaita chikwata chepiri kupinda musemifainari yemukombe wepasi rose weFIFA World Cup 2022 uri kutambirwa kuQatar, mushure mekukunda Netherlands 4-3 mumapenareti.

Zvikwata izvi zvanga zvapedza zviri mangange munguva dzemaminitsi makumi mapfumbamwe, ndokupinda munguva yawedzerwa, kana kuti extra time, mutambo wakaramba uri mangange 2-2.

Lionel Messi, uyo anga akatarisirwa nevakawanda kuti ndiye achafambisa injini yeArgentina, haana zvake kurasisa vangadai vanga vabheja vachimutemba sezvo atamba zvinonwisa mvura, uye kunwisa penareti yeArgentina yekutanga.

Mubati wepagedhi weArgentina, Emiliano Martinez, ashurawo mare mushure mekubata mapenareti maviri ekutanga eNetherlands, ukuwo chikwata chake chichinwisa matatu ekutanga.

Argentina yave kusangana neCroatia nemusi weChipiri musemifainari yekutanga. Mugovera kune mitambo miviri yemakotafainari yanga yasara, wekutanga uri pakati peMorocco nePortugal, kuchizotevera mumwe pakati peEngland neFrance.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG