Accessibility links

Breaking News

Kushandiswa Zvakanyanya kweZvinodhaka Kunonzi Kwawedzera Zvakanyanyisa Dambudziko reChirwere chePfungwa muHarare


Vamwe vaimboshandisa zvinodhaka vave kuti vakarega.
Vamwe vaimboshandisa zvinodhaka vave kuti vakarega.

Kushandiswa zvakanyanya kwezvinodhaka nevanhu kunonzi nemukuru anoona nezvehutano mudunhu reHarare kwawedzera zvakanyanyisa dambudziko rechirwere chepfungwa.

Mukuru anoona nezvehutano mudunhu reHarare VaInnocent Hove vanoti nekuda kwekuwedzera kwedambudziko rechirwere chepfungwa zvakakosha kuti vanhu vapihwe dzidziso.

VaHove vakataura mashoko aya paiitwa mhemberero dzekucherechedza dambudziko rechirwere chepfungwa nemusi weChitatu. Pasi rose, United Nations inoti zuva iri rinocherechedzwa musi wa10 Gumiguru asi zvakanonoka kuitwa nedunhu reHarare.

Amai Betty Zephania vanova mumwe wevakaronga mhemberero idzi vachishanda kubazi rinoona nezvehutano vatsigira vachiti dambudziko rehutano hwepfungwa idambudziko ririkukura.

Amai Zephania vati vazhinji vari kutamburawo nezvirwere zvepfungwa izvi varikushandisa zvinodhaka vachiti munhu wese arikufanirwa kushanda kuona kuti dambudziko iri rapedzwa.

Mumwe wevechidiki, VaFarai Gutu vati vechidiki vanoda kudzidziswa kuti zvinodhaka zvine njodzi.

Mumwe aishandisa zvinodhaka akakwanisa kuzobuda mazviri aona kuti zvinokuvadza, ndiVaJacob Shamuyarira, avo vakazotanga sangano rakazvimiririra rinobatsira avo vanoda kusiya zvinodhaka.

Vati kushandisa zvinodhaka kunokanganisa hupenyu hwevanhu vachiti zvakakoshawo kuti vanhu vazive kwekuwana rubatsiro kana vawirwa nedambudziko iri.

Kutanga kwegore rino mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa kuti gore rino igore rekurwisa dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka.

Vechidiki ndivo vanonzi vari kunyanyoshandisa zvinodhaka izvi zvakaita semutoriro, krango, mbanje, mishonga yechikosoro yakaita seHistalix kana bronco nezvimwewo. Mhemberero dzegore rino dzakaitwa paine kurudziro yekuti pasi rese rikoshese hutano hwepfungwa. World Health organization inoti muAfrica, vanhu vanodarika mamiriyoni mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nemaviri kana kuti 792 million vane chirwere chepfungwa.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG