Accessibility links

Breaking News

Nyaya dzeKurwira huShe, huSadunhu nehuSabhuku Dzopesanisa Mhuri Dzakawanda muNyika


Vaive Ishe Chidziva, mushakabvu VaJohannes Jenami
Vaive Ishe Chidziva, mushakabvu VaJohannes Jenami

Nyaya dzekurwira hushe, husadunhu nehusabhuku dzinonzi dziri kuwanda mudunhu reMashonaland West pamwe nenyika yose dzimwe mhuri dzichiti zviri kukonzerwa nevashandi vehurumende mubazi rezvekutongwa kwematunhu, vavanoti vari kutora mativi pamakakatanwa ehushe.

Vanhu ava vari kupomerawo zvakare mhosva vezvematongerwo enyika avo vavanoti vari kupindira mukugadzwa kwemasabhuku nemasadunhu.

Nyaya idzi dzinonzi dzave kukonzeresa kupesana mudzimhuri nekuparadza hukama uye dzimwe dzave kutoperera kumatare edzimhosva.

Zvichitevera makakatanwa makuru pakati pemhuri ina dzinochinjana kugara ushe hwashe Chidziva mudunhu reZvimba, mamwe makakatanwa ari kuitikawo kwaNyamweda mudunhu reMhondoro.

VaCosmas Mandaza, mutauriri wemhuri yekwaMandaza ine dzimba nhatu dzinochinjana hushe hwekwaNyamweda, vanoti kunyange mhuri yainge yasarudza VaFletcher Mandaza kuti vatsive VaClaudius Mandaza, vaizivikanwa saIshe Nyamweda, mudzviti wenzvimbo yavo, vavakangoti VaTomu, pamwe nasachigaro wemadzishe mudunhu reMashonaland West, Ishe Ngezi, vakagadza VaNorbert Mandaza vachipesana nevakawanda vemhuri iyi.

VaMandaza vanoti chimwe chiri kukonzeresa makakatanwa ehushe ndavanamudzviti vavanoti vari kuita zvehuwori vachigadza vanhu vedzimba dzisiri idzo.

VaMandaza vanoti dzimba nhatu dzinoti yekwaMaringapasi, Chidyausavi neyekwaMudziviri ndidzo dzinochinjana hushe hwekwaNyamweda.

Vanoti vakaendesa nyaya yavo kumukuru wemadzishe mudunhu reMashonaland West, VaPeter Pasipamire, vanozivikanwa saIshe Ngezi.

Ishe Ngezi vakabvuma kuti nyaya iyi yakasvika kwavari.

Vanoti vakagadza mwana waIshe Nyamweda sasarapavana vachitevedzera tsika yehushe hwekwaNyamweda.

Ishe Ngezi vakabvumawo kuti pane nyaya dzehushe dziri kunetsa mudunhu kusanganisira hushe hwekwaChivero, Mashayamombe nehwekwaChidziva.

Makakatanwa ehushe hwekwaMashayamombe akatoendeswa kumatare edzimhosva epamusoro kana kuti High Court, izvo zvakaita kuti vakanga vagadzwa saIshe Mashayamombe vambomiswa kushanda uye motokari yavainge vapihwa inehurumende mbotorwa kusvika dare rapa mutongo wekuti ndiyani chaiye anofanirwa kunge ari ishe.

Mumiriri weNorton mudare reparamende, VaTemba Mliswa, avo vakambonetsana nezvimwe zvizvarwa zvekuChina mushure mekunge zvarova Ishe Nyamweda, vanoti hurumende kuburikidza navanamudzviti ndivo vari kuita huwori mukugadza madzishe.

Nyaya dzehusabhuku dzinonzi dziri kunetsawo munzvimbo dzakawanda.

Sabhuku Raymond Karengesha vekuMagunje vanoti chinokonzera kuti nyaya dzekugadzwa kwemasabhuku dzinetse inyaya yekushaikwa kwegwaro rinoratidza kuti munhu akafa, kana kuti death certificate, iro rinodiwa pakugadzwa kwemumwe sabhuku mutsva.

VaKarengesha vanoti nguva dzakawanda nekuda kwemakakatanwa anenge aripo mhuri yasabhuku anenge afa inoramba negwaro iri iro rinenge richidiwa pakugadzwa kwemumwe sabhuku.

Mutevedzeri wegurukota rezvematunhu Amai Marian Chombo vanoti nyaya dzemakakatanwa ehumambo dzakatekeshera nenyika asi vanoti vanamudzviti vanotevedzera hurongwa hwemhuri dzehushe uho hunosiyana nenzvimbo.

Nyaya dzehushe dziri kunetsawo mumatunhu akawanda emunyika, anosanganisira dunhu reMashonaland Central, uko kunonziwo kuri kunetsana mhuri dziri kurwira hushe hwekwaNegomo kuMazowe nehwekwaBushu kuShamva.

KuShamva, VaTayengwa Musukuma gore rapera vakakwira kudare reHigh Court vachipikisa kugadzwa kwaVaGracious Mukanwa saIshe Bushu. VaMusukuma vaida kuti vagadzwe ivo hushe zvichitevera kushaya kwevaive Ishe Bushu, VaShow Bushu muna 2016.

KuMazowe, vaive Ishe Negomo, VaLuscious Chitsinde, avo vekuripisa vaive mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai muna 2012 vachivapomera mhosva yekuroora mumwedzi waMbudzi, vakabviswa pahushe pachigadzwa VaParadzai Kutyauripo, avo vanonzi ihanzvadzi yemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG