Accessibility links

Breaking News

Muzvare Dondo Votarisira Kuve kuMusangano weU.S. Leaders' Summit Uchange Uri muWashington, D.C., Svondo Rinouya


Muzvare Comfort Dondo
Muzvare Comfort Dondo

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzemadzimai, rePhumulani Minnesota African Women Against Violence, Muzvare Comfort Dondo, vanoti vachange vachizeya nezvematambudziko ari kusangana nemadzimai munyika panyaya dzekutyorwa kwekodzero dzavo.

Muzvare Dondo vanoti vachaita izvi kumucheto kwemusangano wevatungamiri veAmerica nemuAfrica, weU.S Africa Leaders’ Summit, uyo uchange uri muWashington DC svondo rinouya.

Vanoti vachange vari kuita izvi panguva iyo chirongwa chemazuva gumi nematanhatu ekurwisana nemhirizhonga, kana kuti 16 Days of Activism Against Gender-Based Violence chichangopera, vachiti vari kuita izvi senzira yekuti nyaya iyi igare ichizeyiwa, kwete kungomirira mazuva echerechedzo chete.

'Tiri kutarisira kuti pachave nehurukuro dzakadzama dzichange dzichiitwa kumisangano iyi,"Muzvare Dondo vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG