Accessibility links

Breaking News

Brazil Inoburitswa muMakwikwi eWorld Cup 2022 neCroatia


Mutambi weBrazil ane mukurumbira, Neymar.
Mutambi weBrazil ane mukurumbira, Neymar.

Brazil yabuda mumakwikwi emutambo weFIFA World Cup 2022 ari kutambirwa kuQatar mushure mekurohwa 4-2 neCroatia mumapenareti.

Zvikwata zviviri izvi zvatanga zvamboita mangange 0–0 mumaminetsi makumi mapfumbamwe ekutanga, zvichibva zvaita zvakare mangange 1–1 mumaminetsi makumi matatu ekuwedzerwa kwenguva, kana kuti extra time, izvo zvazoita kuti zvipinde mumapenareti.

Kukunda kweCroatia kwave kureva kuti ndicho Chikwata chekutanga kupinda mumasemi fainari emutambo uyu gore rino.

Muna 2018, Croatia yakazokundwa keFrance mufainari mushure mekutamba zvakanga zvisingatarisirwi nevakawanda.

Mumwe mutambo wekotafainari pakati Argentina neNetherlands uriko zvakare manheru ano.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG