Accessibility links

Breaking News

Chin'ono Anopiwa Mubairo weKurwisa Huwori naMambo weQatar


Mutori wenhau Hopewell Chin' ono akambosungwa akagara kujeri reChikurubi Maximum Prison.
Mutori wenhau Hopewell Chin' ono akambosungwa akagara kujeri reChikurubi Maximum Prison.

Mutori wenhau ane mukurumbira, Hopewell Chin’ono, nezuro akpiwa mubairo mukuru weInternational Anti-Corruption Excellence Award, wekurwisa huwori, uyo wakatambidzwa naMambo weQatar, Sheikh Tamim bin Hamad Al Thani pamwechete neUnited Nations.

Mubairo uyu, uyo waapiirwa kuDoha, kuQatar , ndewekucherechedza mabasa aari kuita ekufumura huwori hunonzi huri kuitika mumapazi ehurumende muZimbabwe.

Chin’ono anoti atambidzwa mubairo uyu nebasa raari kuita rekufumura kubiwa kunonzi kuri kuitwa mari yenyika, izvo zvipatara zvisina mishonga uye apiwa mubairo uyu pamberi pemumiriri weUnited Nations anokosha munyaya dzekurwisana nehuwori, kana kuti United Nations Special Advocate for the Prevention of Corruption.

Vamwe vaige vari pamabiko aya vanosanganisira mutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame.

Chin'ono anoti mubairo uyu wakakosha kwazvo, kwete kwaari iye chete, asi kuZimbabwe yaati iri kutambura kuti ienderer mberi nekuda kwehuwori hwaanoti hwatekeshera.

Chin' ono akambosungwa kakawanda achipomerwa mhosva dzakasiyanasiyana akazombogara kujeri reChikurubi Maximum Prison kwemazuva anodarika makumi masere, zviitiko zvinonzi nevanorwira kodzero dzevanhu kushungurudza mutori wenhau uyu.

Hurukuro naHopewell Chin'ono
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG