Accessibility links

Breaking News

Vanhurume Vokokwa Kumabiko neDzidziso Yekuremekedza Kodzero dzeMadzimai


Erkenia Chifamba - Shamwari yeMwanasikana
Erkenia Chifamba - Shamwari yeMwanasikana

Mutungamiri vesangano reShamwari yeMwanasikana amai Erkenia Chifamba vanoti zvakakosha kuti vanhurume vawane dzidziso yekukosha kwakaita kuremekedzwa kwekodzore dzevanhukadzi.

Vanoti vachange vaine mabiko achaitwa nemusi weMugovera muHarare avakaronga vakabatana nemuzinda weCanada uri muZimbabwe nemasangano evanhurume ayo achapamukana kuvanhurume kuti vawane dzidziso pamusoro penyaya yekushungurudzwa kwevanhukadzi nevanasikana kunyaya vasati vabva zera.

"Tiri kutarisira kuti chirongwa chedu chichafamba zvakanaka neMugovera sezvo tiri kuda kuti vanhurume vawanewo mukana wekudzidza nekunzwisisa pamusoro pekodzero dzavo, vemadzimai nevanasikana vasati vabvazera uye kuti vataure kana vachinge vachimbunyikidzwa," Amai Chifamba vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG