Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Votyira Kuti Sarudzo dzeGore Rinouya Dzichaita Mhirizhonga, Asi veZanu PF Vachiti VaMnangagwa Vakati Vanoda Runyararo


Bato reCCC rinoti nhengo dzaro dzakashungurudzwa kuBinga pamberi pesarudzo dze by-election.
Bato reCCC rinoti nhengo dzaro dzakashungurudzwa kuBinga pamberi pesarudzo dze by-election.

Nyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi nevakawanda vanopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira inogona kukanganisa mafambisirwo esarudzo dzegore rinouya.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti bato riri kutonga reZanu PF rakashandisa mhirizhonga mukutsvaga rutsigiro musarudzo dzema by-election dzakaitwa kuBinga nekuGweru.

Vebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change vanoti nhengo dzavo dzakarohwa zvakaipisisa uye kushungurudzwa pamberi pesarudzo idzi nevebato riri kutonga reZanu PF, iro rakakunda musarudzo dzakazoitwa kuWard 20.

Vamwewo vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti bato riri kutonga reZanu PF riri kupinda mumatunhu aimboonekwa seakabatwa nebato reCCC akaita seBinga yacho neGweru, uko Zanu PF yakakwanisa kuwana zvakare zvigaro zviviri.

Musarudzo dzema by-election dzakaitwa mumatunhu maviri aya, Zanu PF yakakwanisa kutora zvigaro zvitatu pazvigaro zvishanu zvakakwikwidzwa.

Tingati here zvinhu zvave kushanduka mune zvematongerwo enyika, kana kuti vanhu vari kuvhotera Zanu PF munzvimbo dzaimbove pasi pevanopikisa kuburikidza nekutyisidzirwa?

Sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira Vusango, vanoti vanhu vasvinura nekuti vari kuona zvirongwa zvebudiriro zviri kuitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa mumatunhu avo, izvo zvave kuita kuti vavhotere Zanu PF.

VaCharumbira Vusango vanoti zvirongwa zviri kuparurwa nemutungamiri wenyika zvakasiyanasiyana zviri kuonekwa nevanhu vose saka nekudaro hapana angada kuzosara achiri mumwena vamwe vachibudirira.

Asi nhengo yeCCC, VaTim Muringai, vari kuOhio muAmerica, vanoti hapana asingazive kuti kukunda kweZanu PF kuBinga kwakauya mushure mekushungurudzwa kwevanhu.

Vanoti Zanu PF iri kutenga mavhoti kuburikidza nezvirongwa zvainoti zvemutungamiri wenyika ichishandisa mari yemitero yeveruzhinji.

VaMuringai vanoti kana zvinhu zvakasagadziriswa nekukasika mhirizhonga ichaenderera mberi kupinda musarudzo dzegore rinouya.

Asi VaCharumbira Vusango vanoti havaoni kuchiita mhirizhonga gore rinouya vachiti mutungamiri wenyika vakatotaura kare kuti havadi mhirizhonga.

Asi VaMuringai vanoti muromo hauzarirwe nerwizi, vachiti VaMnangagwa ndivo mukuru wemapurisa nemauto munyika, asi vari kukonzera mhirizhonga havana zvavari kuitwa nekuti vari kuvadzivirira.

Hurukuro naVaTim Muringai pamwe naVaRegis Charumbira Vusango
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG