Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Voramba Kuti Vakatyisidzira Vamwe Kuti Vasakwikwidzwe


Mutungamiriri webato rinopikisa reMovemenet for Democratic Change (MDC), VaDouglas Mwonzora, vanoti hapana nhengo dzebato ravo dzakavhundutsirwa kuti dzisakwikwidze chigaro chemutungamiriri webato pakongiresi yavo ichaitwa musi wa18 mwedzi uno.

VaMwonzora vazivisasawo kuti vachakwikwidza musarudzo dzemutungamiriri wenyika nzevigaro zvese zveparamende nemakanzuru musarudzo dzegore rinouuya.

VaMwonzora vati vakadomwa semutungamiri webato pasina kushandisa mangoromera.

Vati hutungamiriri hwese hwepamusoro hunoti ivo, vatevedzeri vavo, Amai Paurina Mpariwa, VaChief Ndhlovu, sachigaro VaSolomon Chikowero nemutevedzeri wasachigaro, MuzvareYyvone Musarurwa hwakadomwa pasina akavakwikwidza.

Vanoti nekuda kwaizvo kuchaitwa sarudzo kubazi revechidiki neremadzimai chete.

VaMwonzoraa vachadomawo vanyori vepamapazi kana kuti Portifolio Secretaries pakongiresi.

Vatiwo bato ravo richaita sarudzo dzekutsvaga vachimirira bato iri musarudzo dzegore rinouuya munaNdira.

Asi mumwe aida kukwikiwdza chigaro chemutungamiriti webato, VaNorest Chiureki Marara vaudza Studio 7 kuti vakaenda kudare nekuti kudomwa kwaVaMwonzora kwakaitwa zviri kunze kwemutemo webato iri.

VaMarara vati kunyange dare repamusoro rakati nyaya yavo haikodzeri kunzikwa nechimbichimbi vane chivimbo chekuti vachakunda paichatongwa.

VaMwonzora vashorawo bato riri kutonga neZanu-PF panyaya yekutadza kugadzirisa dambudziko remagetsi.

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF , VaTafazdwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe inowana magetsi ayo akawanda kubva kumvura nekudaro kushomeka kwemvura munyika hakunei nezvematongerwo enyika.

Zimbabwe yakatarisa nedambudika remagetsi zvekuti nzvimbo zhinji munyika dzave kuwana magetsi kwemaawa mana chete pazuva.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG