Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeCCC Dzotsika Madziro Pakudzosera Mari Yadzinoti Dzakakwereteswa neHurumende


VaProsper Mutseyami
VaProsper Mutseyami

Bato reCitizens Coalition for Change razobvuma kuti nhengo dzaro dziri muparamende dzitore mari yechikwereti yekutenga dzimba kubva kudare iri asi nhengo idzi dzinofanira kubhadhara zvikwereti izvi. Asi vamwe vanopikisa vari kushora danho iri.

Vanokokera nhengo dzeTripple C muparamende, VaProsper Mutseyami, vaudza vatori venhau mHarare nhasi kuti nhengo dzebato ravo dziri muparamende dzakasangana nemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vakabvumirana kuti nhengo dzavo dzitambire mari dze zvikwereti zvedzimba kubva kuparamende asi dzichizozvimirira pakubhadhara zvikwereti izvi.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri weTripple C, VaGift Ostallos Siziba vati pane zvibvumirano zvakasainiranwa nenhengo dzeparamende nedare reparamende kuti dzidzosere zvikwereti izvi.

Asihurumende haina kuzivisa kunyika kuti zvikwereti izvi zvinobhadharwa sei uye nemadhora ekuAmerica here kana kuti huremu hwedhora pachikero chebhanga reRBZ kana kuti kumabhanga akazvimirira.

Nhengo yebato reCCC inonzi yakaramba mari iyi ndiVaAllan Markham chete.

Vanokokera nhengo dzeZanu PF mudare reparamende VaPupurai Togarepi vati hazvisi zvitsva kuti nhengo dzeparamende dzipiwe zvikwereti neparamende.

Asi mutauriri webato rinopikisa rePatriotic Zimbabweans iro risina kana nhengo imwechete muparamende, VaShelton Mupambwa, vati nyaya yezvikwereti izvi yaitirwa kuti mapato ari muparamende awane mari dzekushandisa kutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour Economic Development and Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vati hapana chakaipa kuti nhengo dzeparamende dzipihwe zvikwereti neparamende. Asi vati zvikwereti izvi zvinofanira kubhadharwa kuitira kuti zvisakanganise hupfumi hwenyika.

Nhengo dzeparamende dzakapihwa zvikwereti zvemari inoita zviuru makumi zvemadhora ekuAmerica (US$40 000) pamunhu. Vatevedzeri vemakurukota ehurumende vakapihwawo mari inoita zviuru mazana matanhu nezviuru makumi mashanu pamunhu ($350 000) uye makurukota ehurumende akapihwa zviuru mazana mashanu zvemadhora ekuAmerica (US$500 000) pamunhu.

Aka hakasi kekutanga hurumende neparamende ichiita izvi. Muna 2015, RBZ yakapa makurukota ehurumende, nhengo dzeparamende, vakuru vemauto nevamwe vanodyidzana nebato reZanu-PF zvikwanisiro zvekurimisa zvemari inodarika bhiriyoni imwe chete yemunyika.

Mushre mekunge vakwanda vavo vatadza kubhadhara, chikwereto ichi chakazotorwa neRBZ zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi nemasangano anokweretesa mari akaisa seIMF neWorld Bank zvakanganis hupfumi zvakanyanya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG