Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi yeKupenda Mifananidzo, Solomon Mahlatini, Otarisira Kuratidza neKushambadza Basa Rake muWashington D.C., Mwedzi Uno


Chizvarwa cheZimbabwe chinoita basa rekupenda mifananidzo, Solomon Mahlatini.
Chizvarwa cheZimbabwe chinoita basa rekupenda mifananidzo, Solomon Mahlatini.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chine mukurumbira mubasa rekupenda mifananidzo chiri muWashington D.C., Solomon Mahlatini, ari kuronga kuratidza nekushambadza basa rake raanoita pamabiko achaitwa musi wa16 Zvita paAfrica Wolrd Art Gallery, iri makare muD.C.

Mahlatini, uyo akauya muno muAmerica muna 2011 achiuya kuchikoro, anoti akadzidzira zvekupenda mifananidzo izvi kubva kuna amai vake avo vaiitawo basa iri munguva dzavo dzekunge vasiri kubasa ravo rezvemari, uyewo kubva muadzisekuru ake vaipendawo mifananidzo.

Anoti akatanga kuwana mubairo wemifananidzo yake aine makore gumi nemaviri achiri pane chimwe chikoro chiri kuKwekwe apo mifananidzo yake yaakanga apenda yakatengwa.

Mahlatini anoti nekuona kukosha kwebasa rake, akafunga zvekudzokera zvakare kuchikoro achinoita zvidzidzo zvekuwedzera hunyanzvi hwake paEast Central University iri mudunhu reOklahoma uko akanoita dhigirii rake repiri rezvidzidzo zveBachelor of Fine Arts uye akadzidzirawo zvemafirimu pamwe nekuveza.

Anoti awanawo mibairo yakawanda kuburikidza nebasa rake iri uye atendererawo nenyika yeAmerica achiratidza basa rake munzvimbo dzakasiyanasiyana dzinosanganisira ma gallery nema museum.

Mahlatini anoti anobatsirawo vechidiki vanoda kupinda mubasa rekuita zvekupenda mifananidzo izvi, uye anoti remangwana rake anoona rakajeka sezvo mifananidzo yake iri kutambirwa zvakanaka muAmerica nekune dzimwe nyika.

Hurukuro naSolomon Mahlatini
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG