Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoendeswa kuMatare neVashandi Vayo Ichipomerwa Mhosva yeKusatevedza Mutemo weNhaurirano dzeMihoro


Vashandi vehurumende vagara vachichemachema kuti hurumende inoramba kuita nharurirano dzemihoro navo nguva zhinji.
Vashandi vehurumende vagara vachichemachema kuti hurumende inoramba kuita nharurirano dzemihoro navo nguva zhinji.

Hurumende yaendeswa kudare nevashandi vayo ichipomerwa mhosva yekusada kutevedzera mutemo panhaurirano dzemari inotambiriswa vashandi.

Masangano mashanu anomirira vamwe vashandi vehurumende akwira kudare reHigh Court achida kuti dare iri rimanikidze hurumende kuti ibude nehwaro hwenhaurirano dzemihoro pakati pevashandi nemushandirwi sezviri muchikamu 65 chebumbiro remitemo yenyika.

Masangano akwira kudare anoti reZimbabwe Teachers Association kana kuti ZIMTA, Progressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ, Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ, Educators Union of Zimbabwe neCivil Service Employees Association, uye ari kumirirwa nemagweta eMatika, Gwisai and Partners.

Vakwirirwa kudare vanoti Public Service Commission, mutungamiri wenyika, gurukota rezvemari, gurukota rezvevashandi nemabasa, gurukota rezvemitemo pamwe negweta guru rehurumende.

Vakwirirwa dare ava vapiwa mazuva gumi ekupikisa kubva pazuva ravanotambidzwa magwaro ekumatare.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure vanoti vatora danho iri nekuti pari zvino hapana mutemo unosungira hurumende kugara pasi ichizeya mihoro nevashandi vayo.

Taedza kubata gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi, asi vanga vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG