Accessibility links

Breaking News

Transparency International Zimbabwe Yokurudzira Kusimbaradzwa kweMitemo Yekudzivirira Vanomhan'ara Huwori


VaTafadzwa Chikumbu mutungamiri wesangano reTransparency International Zimbabwe
VaTafadzwa Chikumbu mutungamiri wesangano reTransparency International Zimbabwe

Mutungamiri wesangano reTransparency International Zimbabwe vaTafadzwa Chikumbu vanoti vari muWashington DC pamusangano wekutsvaga nzira dzekurwisa huwori uhwo vanoti hwakatekeshera munyika yeZimbabwe.

Mutungamiri wenyika VaEmmeson Mnangagwa vanogara havo vachiti vakazvipira kurwisa huwori munyika.

Asi vanopikisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi. Musangano wemuAmerica uyu uri kukokerwa nehurumende yeAmerica yakabatana nesangano reTransparency International uye uri kupindwa nenhengo dzesangano iri dzinobva kunyika zana nemakumi maviri neina.

Komisheni yeZimbabwe Anti-Corruption Commission iyo yakaumbwa nehurumende kuti irwise huwori iripowo pamusangano uyu wakatanga nezuro uchipera neChishanhu.

VaChikumbu vanoti pane zvizhinji zvinofanirwa kugadziriswa munyika kuti huwori hupere kusanganisira mitemo inochengetedza vanenge vamhangara huwori.

"Takatarisira kudzidza zvakawanda pamusangano uyu sezvo kuchange kuine nyanzvi dzinobva pasi rose dzichange dzichitipa mazano ekurwisa huwori. Vanotiwo, "Asi chikuru ndechekuti pave nemitemo inochengetedza veruzhinji vanenge vamhan'ara huwori kunyanya hwemumapazi ehurumende," VaChikumbi vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG