Mutungamiri wesangano reTransparency International Zimbabwe vaTafadzwa Chikumbu vanoti vari muWashington DC pamusangano wekutsvaga nzira dzekurwisa huwori uhwo vanoti hwakatekeshera munyika yeZimbabwe.
Mutungamiri wenyika VaEmmeson Mnangagwa vanogara havo vachiti vakazvipira kurwisa huwori munyika.
Asi vanopikisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi. Musangano wemuAmerica uyu uri kukokerwa nehurumende yeAmerica yakabatana nesangano reTransparency International uye uri kupindwa nenhengo dzesangano iri dzinobva kunyika zana nemakumi maviri neina.
Komisheni yeZimbabwe Anti-Corruption Commission iyo yakaumbwa nehurumende kuti irwise huwori iripowo pamusangano uyu wakatanga nezuro uchipera neChishanhu.
VaChikumbu vanoti pane zvizhinji zvinofanirwa kugadziriswa munyika kuti huwori hupere kusanganisira mitemo inochengetedza vanenge vamhangara huwori.
"Takatarisira kudzidza zvakawanda pamusangano uyu sezvo kuchange kuine nyanzvi dzinobva pasi rose dzichange dzichitipa mazano ekurwisa huwori. Vanotiwo, "Asi chikuru ndechekuti pave nemitemo inochengetedza veruzhinji vanenge vamhan'ara huwori kunyanya hwemumapazi ehurumende," VaChikumbi vaudza Studio7.
Facebook Forum