Accessibility links

Breaking News

Levels Opihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso paMhosva yeKuburitsa Vhidhiyo yeBonde


Anoita zvekutsikisa mimhanzi kukambani yeChillspots Records kuMbare, Tafadzwa “Levels” Kadzimwe apihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yaari kupomerwa yekufukura hapwa nekutenderedza pamadandemutande vhidhiyo yake achiita zvepabonde nemumwe muimbi Ashley “Shashl” Moyo.

Mutemo weData Protection Act unoti imhosva kuburitsa vhidhiyo yezvepabonde.

Shashl, mwana wevaimbova gurukota rezvehutano VaObadiah Moyo avo vainge vari mudare nezuro. Levels aimbenge achida kutongerwa mhosva yekubata chibharo uye kurova Ashley. Asi Shashl anonzi nebepanhau reH-Metro ari kuda kuti Levels akumbire ruregerero paruzhinji kuti amuregerere. Nyaya iyi yadzoserwa kumapurisa.

Levels akanzi abhadhare mari yechibatiso inosvika madhora zviuru makumi maviri kana kuti ZWD20, 000 achinzi akaburitsa vhidhiyo yebonde mushure mekurambwa naShashl.

Asi Levels ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi uye achadzokera kudare musi wa 20 Zvita.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG