Accessibility links

Breaking News

Murairidzi weMorocco Walid Regragui Opinda Munhoroondo yeWorld Cup


Jwe seleksyon nasyonal Mawok yo fete viktwa yo pa pote antrene a Walid Regragui apre fen match yo kont Kanada nan Gwoup F la, Jedi 1 Desanm 2022 nan Qatar.
Jwe seleksyon nasyonal Mawok yo fete viktwa yo pa pote antrene a Walid Regragui apre fen match yo kont Kanada nan Gwoup F la, Jedi 1 Desanm 2022 nan Qatar.

Murairidzi wechikwata cheMorocco, Walid Regragui nezuro akapinda munhoroondo yekuva murairidzi wekutanga kubva muAfrica akakwanisa kusvika kumakotafainari emutambo weWorld Cup. Izvi zvakatevera kurova kwakaita Morocco nyika yeSpain 3-0 mumapenereti mushure mekunge nyika idzi dzaita mangange 0-0 kumakwikwi eFIFA World Cup kuQatar.

Murairidzi kubva muAfrica akatanga kusvika muchikamu chechipiri kana kuti Round of 16 ndiStephen Keshi wekuNigeria muna 2014. Asi varairidzi vekunze vakapinda mumakotafainari vanoti Valeri Nepomniach wekuRussia airairidza Cameroon muna 1990.

Chikwata cheCameroon ichi chainge chine vatambi vakaita saFrancois Oman-Biyik Roger Miller naCyrille Makanaky. Muna 2002, Bruno Metsu wekuFrance akaita zvimwe chete nechikwata cheSenegal chainge chine vatambi vakaita seEl hadji Diouf.

Ainge apedzisira kusvika mumakotafainari nenyika yemuAfrica ndi Milovan Rajevac akatungamira Ghana muna 2010.

Ghana ndiyo yaive nemukana mukuru wekupinda mumasemifainari asi yakaburitswa mushure mekunge Luis Suareze weUruguay abata bhora rainge rave kugohwa mutambo wave kusvika kwamvura yacheka makumbo nemaoko.

FILES-FBL-WC2010-MATCH58-URU-GHA
FILES-FBL-WC2010-MATCH58-URU-GHA

Ghana yakabva yatadza kunwisa penereti ichibva yazodyiwa mumapenereti akatevera.

Mumakwikwi aya, nyika dzose dzemuAfrica dzakakwikwidza dzainge dziine varairidzi kubva kunyika dzemuAfrica.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG