Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vochema Chema neKushungurudzwa neMapurisa


Apo nyika ichiri mukucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekudzivirira mhirizhonga inechekuita nekuti uri munhukadzi kana munhurume, vamwe vanorarama nekutengesa mumigwagwa kunyanya madzimai vari kuchema chema nekwavanoti kushungurudzwa vachidzingirirwa nemapurisa

Vachitaura neStudio 7, mumwe ANOTENGESA Mumugwagwa Amai Anna Moyowashe vati zvinotuma madzimai kutengesera mumigwagwa kusamira zvakanaka kwehupfumi. Vati vakawana chouviri kukutenegesa zinhu kwavanoita zvinogona kuderedza dambudziko remhirizhonga mudzimba.

Vaenderera mberi vachiti chinopa kuti vatengesere pese pese inyaya yekutsvaka pavanokwanisa kuwana vatengi.

Izvi zvatsigirwawo naAmai Otilia Chikandira avo vati mhirizhonga iri kunyanyokonzerwa nehurombo nekuti mhuri dzinenge dzisina chekubata.Vatiwo shuviro yavo ndeyekuti vatengese vakasununguka.

Mumwewo munhurume anotengesera mumugwagwa, VaAngirayi Moyowatidhii vatiwo kudzingirirwa nemapurisa kunopa kuti vaende kumba vari maoko chete zvinokwanisa kuwedzera dambudziko remhirizhonga mudzimba.

Mutauriri wekanzuru yeHarare VaInnocent Ruwende vaudza Studio 7 kuti kunyangwe zvazvo vanotengesa mumugwagwa varikuchema chema nekugaroita hwakiti negonzo nemapurisa kusanganisira ekanzuru vati vatengesi vanofanirwa kutevedzera mitemo yekanzuru.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Paul Nyathi vatiwo basa ravo nderekuona kuti vanhu vatevedzera mitemo.

Vamwe vanotengesa mumigwagwa vanokuvara mushure mekurowa nemapurisa kana kuti vachitiza uye vamwe vanotsikwa nekuurayiwa nemotokari dzemushika shika dzinenge dzichitandaniswa nemapurisa.

Mazuva gumi nematanhatu ekudzivirira mhirizhonga inechekuita nekuti uri munhukadzi kana munhurume anotanga kucherechedzwa musi wa 25 Mbudzi kusvika musi was 10 Zvita.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG