Accessibility links

Breaking News

Vamwe Votyira Mhirizhonga muna 2023 Nekusavandudzwa kweMitemo yeSarudzo


Zimbabwe Riots
Zimbabwe Riots

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu mudunhu reMasvingo anoti bhiri rakaparurwa nehurumende rekuvandudza mutemo wesarudzoreElectoral Amendement Bill rakasiya zvakawanda zvinoita kuti sarudzo dziitwe pachena pasina kubirira nekunetsana vachiti sarudzo dzegore rinouya dzinogona kuitwa zvisiri pachena uye zvine mutauro semakore ose.


Vachitaura pamusangano wekuongorora bhiri iri waitwa nesangano rakazvimirira reZimbabwe Democracy Institute (ZDI) vanorwira vekodzero dzevanhu vati hurumendehaiisi kukoshesa kuvandudza zvinhu zvikuru zvinoita kuti sarudzo dziitwe pachena.

Vachitaura pamusangano uyu sachigaro weZESN muMasvingo, VaMunyaradzi
Chauke, vati bhiri iri rakanyanyonangana nezvinhu zvina zvekaita se kota yemadzimai, kusashandiswa kwe rezinesi yekutyaira motokari pakuvhota pamwe nekurambidza vanenge vakapara mhosva kuti vamiririre vanhu pazvigaro.

Vati izvo zvese zvagara zviri mubumbiro remutemo panya yekuvhota nekudaro kuzvidzokorora uye hazvibatsiri pakugadzirisa nyaya yekuita sarudzo pachena pasina kupokana.

Vapinda mumusangano uyu ari bhiri iri rakasiya nyaya dzakaita sekuvandudza komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC kuti riite basa isina kwarakarerekera, kupedzwa kwemhirizhonga yezvematongerwe enyika, kushandiswa kwemadzishe pasarudzo pamwe nekushandiswa kwezvikanisiro zvehurumende ne rimwe bato mamwe asina.

Vamwe vakaitasa VaTatenda Mandondo veCommunity Action Plartform, vanoti hurumende yakapedza nguva ichiita zvisina basa pane kupinza nyaya dzekuvanduza ZEC iyo inogaro pomerewa mhosva yekuita sarudzo yakarerekera divi rimwe.


Izvi zvatsinhirwa naVaAllan Moyo vesangano reCommunity for Action in Southern Africa(CIASA) vati dz mhirizhonga yezve matongerwe enyika dzakatotanga munyika.

Mukuru webasa muReal Agenda for Youth Transformation(RAFT), VaTinashe
Chirape vati nyaya yekupindira kwemadzishe munyaya dzezvematongerwo enyika inofanira kunge yakaiswa mibhiri kutisarudzo dzegore rinouya dziitwe pachena.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZDI , VaStanford
Nyatsanza vati vari kuita misangano iyi kuti vanzwe pfungwa dzevanhu..

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi vakamboudza Studio 7 kuti huruemende yavandudza zvakanyanya mitemo ine chekuita nesarudzo. Asi vanopikisa vanoti uku kungotaura pasina zviito.

Mutauriri weZEC vaJasper Mangwana vati vange vari mumusangano patavabata kuti tinzwe divi ravo vakati titumire mibvunzo asi havana kupindura. Asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo.

Vamwe vagari vataura pamusangano uye vakaita saVaMadida Madida vati sarudzo dzegore rinouya dzinogona kuita sedze makore ose sezvo
mhirizhonga kumatunhu akawanda munyika yakatotanga. Mapurisa ari kupomerwa mhosva yekutarisa kuti wabuda mumba maaniasati asunga vanhu kunyangwe achiti haafambe nedivi rimwe kunge gakanje.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG