Nyanzvi mune zvehupfumi, vashandi, vashandirwi pamwe nevezvitoro vari kuyambira kuti kana dambudziko rekushaikwa kwemagetsi rakatarisana nenyika rakasagadziriswa nekukurumidza richakonzera matambudziko akawanda anosanganisira kukwira kwemitengo yezvigadzirwa zvemunyika, izvo zvichazoomesera veruzhinji.
Mutungamiri wesangano rinomirira vashandirwi, reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, VaKurai Matsheza, vanoti dambudziko rekushaikwa kwemagetsi munyika riri kuvabata zvakanyanya zvekuti vanga vakatarisira kuti hurumende neZESA vachakasika kurigadzirisa.
VaMatsheza vanoti nekuda kwedambudziko iri, vemakambani vave kumanikidzwa kutsvaga nzira dzekuti varambe vachigadzira zvigadzirwa zvavo dzinosanganisira kushanda usiku nemukupera kwesvondo panenge pauya magetsi.
VaMatsheza vanoti vemakambani vanenge vachikwanisa ndivo vari kuisawo magwetsi anoshanda nezuva kana kushandisa majenareta, zvinhu zvavanoti zvinenge zvave kuvadhurira, zvinozoita kuti vasiire mutoro uyu kuvatengi.
Izvi zvinotsigirwa nenyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, avo vanoti kushandiswa kwemajenareta nevemakambani kunowedzera mutengo wezvinhu, izvo zvinozodhurisirwa vatengi.
Munyori mukuru werimwe sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU, VaKennias Shamuyarira, vanoti dambudziko riripo nderekuti hurumende pamwe nekambani yeZESA havasi kukoshesa zvine basa zvekuwanisa nyika magetsi.
Vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa magwenya emarasha mumaguta ose kuitira kuti zvinhu zviitire nyore vashandi nevashandirwi.
Saka dambudziko iri ringagadziriswa sei? VaKuchera vanotiwo zvinotoda kuti nyika itange kugadzira magetsi akawanda vachiti kuKariba nekuHwange hakusi kubva magetsi akawanda uye ekutengawo acho mashoma.
Vanoti panenge pachitoda hurongwa hwekuti pabikwe magetsi akawanda pachishandiswa zuva, mvura, uye marasha, vachiti munyika zuva rakawanda kwazvo zvekuti magetsi anokwanisa kugadzirika nyore.
Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvemhando dzemoto, VaSoda Zhemu, kuti tinzwe kana paine matanho avari kutora sehurumende asi nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.
Dambudziko rekudzimwadzimwa kwemagetsi rinonzi riri kukonzerwa nekuderera zvakanyanya kwaita mvura mudhamu reKariba uko kunogaiwa magetsi.
Zvinonziwo hurongwa hwekuti nyika itenge magetsi kuSouth Africa huri kuvhiringidzwa nekuti kambani yemagetsi munyika iyi yeEskom ine matambudziko ayowo, uyewo Zimbabwe inonzi haina nhoroondo yakanaka pakubhadhara magetsi kumakambani ekunze anomboibatsira.
Kunyange hazvo vakawanda vari kukurudzira kuti hurumende ivake magwenya emoto wezuva akawanda, vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti izvi zvinokanganiswa nehuwori sezvakaonekwa mune mamwe makambani akambopiwa basa iri nehurumende mumashure ayo akakundikana kupedza basa iri.
Facebook Forum