Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Votanga Kutongwa Pane Imwe Mhosva Yavari Kupomerwa


VaJob Sikhala

Kutongwa kwemumiriri weZengeza West mudare paramende VaJob Sikhala pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakavhiringidza mafambisirirwo enyaya dzemumatare kwatanga muHarare nhasi vachiramba mhosva yavari kupomerwa. VaSikhala vasvitsawo chikumbiro chekuti nyaya iyi iraswe.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaZebediah Bofu, vaudza dare kuti VaSikhala vakaudza vanhu vaive parufu rwenhengo yebato ravo reCitizens Coalition for Change, Muzvare Moreblessing Ali, musi wa25 Chivabvu kuNyatsime kuChitungwiza, kuti Muzvare Ali vakange vauraiwa nenhengo dzeZanu PF.

VaBofu vati mashoko aVaSikhala aya aizokanganisa kuferefetwa kwenyaya iyi saka nokudaro vati vakavhiringidza nyaya yavaiziva kuti iri mumatare edzimhosva.

Vachibvunza nemutongi wedare kuti vanotambira sei mhosva yavari kupomerwa iyi, VaSikhala vapindura vachiti havana mhosva. Gweta ravo, VaJeremiah Bamu vabva vasvitsa chikumbiro kudare chekuti nyaya iyi iraswe. VaBamu vati vhidhiyo iri kushandiswa nehurumende kupomera VaSikhala mhosva hairatidze kuti vane mhosva yavakapara uye haitsigire zviri kutaurwa mumapepa emhosva.

Rimwe remagweta avo, VaHarrison Nkomo, vatenda kuti vaudza dare kuti hapana humbowo hunokodzera kuti nyaya iyi ienderere mberi vachiti mapepa ekupomera VaSikhaka mhosva haana mhosva yaari kubuditsa pachena.

VaBofu vati hurumende ichasvitsa zvinyorwa zvemhinduro yayo kudare nemusi weChitatu.

VaNkomo vati ivo semagweta aVaSikhala vachazopindurawo mukupera kwezuva neChishanu pane zvinenge zvataurwa nehurumende.

Mutongi wedare, Amai Marehwanazvo Gofa, vati vachatura mutongo wavo pachikumbiro chaVaSikhala ichi musi wa 13 Zvita.

VaSikhala vakatarisirwawo mudare musi weChitatu parikutasirwa kuturwa mutongo panyaya yavari kuda kuti mutongi ari kunzwa imwe nyaya yavari kupomerwa Amai Tafadzwa Miti yekunzi vakakurudzira mhirizhonga zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa Muzvare Ali ageze maoko ake panyaya iyi vachiti mutongi uyu ane divi raakarerekera. Vanofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakazosungwa nenyaya iyi, vakatobvuma pamberi pedare kuti ndivo vakapamba pamwechete nekuponda Muzvare Ali.

Majistriti Miti mukupa mutongo wavo pakunyima VaSikhala mukana wekubvisa mar yechibatiso vakati munhu anogara achibatwa nemhosva kunyangwe hazvo VaSikhala vasungwa kanodarika makumi matanhatu asi vasina kana kumbobatwa nemhosva.

Mhuri yaMuzvare Ali inoti haisi kuzoviga mutumbi wavo kusvika VaSikhala vabuditswa muhusungwa. Dzimwe nhengo dzeTripple C gumi neshanu dzinosanganisira mumiriri weChitungwiza North muparamende, VaGodfrey Sithole, dzakapihwa mukana wekubhadhariswa mari yechibatiso mushure mekugara mujeri kwenguva asi VaSikhala vakanyimwa mukana uyu kakawanda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG