Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yokunda MumaWard Matatu, CCC Maviri Musarudzo Dziri Kunze neVamwe Dzichiine Mutauro


Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa nemutungamiri weZanu-PF Emmerson Mnangagwa
Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa nemutungamiri weZanu-PF Emmerson Mnangagwa

Musarudzo dzemaby elections dzakaitwa nezuro, Zau-PF yakunda mumawadhi matatu pamashanu akaitwa kuBinga Ward 20, Mberengwa ward 5 Gweru 4, 5 ne18. Zimbabwe Electoral Commission inoti bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC rikakunda mumaward maviri. CCC yakakunda kuGweru Ward 4 ne18 Zanu-PF ikakunda kuMberengwa, Binga Ward 20, Gweru Ward 5.

Asi sangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reZimbabwe Elections Support Network rinoti kune vanhu vakawanda vaiti havagone kunyora, vamwe vachienda kunzvimbo irsiri iyo uye kwakaitika mhirizhonga kuBinga Ward 6, mumwe munhu akarohwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF akaendeswa kuchipatara.

Aimiririra NCA anotiwo zvekushambadzira zvake zvakabvarurwa. Asi munzvimbo dzakawanda mainge muine runyararo.

Nyanzvi munyaya dzevematongerwo enyika VaEarnest Mudzengi vaudza Studio 7 kuti sarudzo dzemuZimbabwe hadzisati dzanyatsosvika pachidanho chekuti dzingadzi dzakachena.

Sarudzo idzi dzakaitwa mushure mekunge mutungamiri weMDC-T VaDouglas Mwonzora vadzinga mubato makanzura anofungidzirwa kuti ainge achidyidzana nebato reCCC.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG