Accessibility links

Breaking News

Sangano reEarly Warning Project Rinoyambira Kuti Vanhu Vakawanda Vanogona Kupondwa Pamberi peSarudzo dzeGore Rinouya


Sangano reEarly Warning Project rinopa yambiro yemamiriro ezvinhu mune zvematongerwo enyika munyika dzakasiyanasiyana.
Sangano reEarly Warning Project rinopa yambiro yemamiriro ezvinhu mune zvematongerwo enyika munyika dzakasiyanasiyana.

Sangano rinopa yambiro yemamiriro ezvinhu mune zvematongerwo enyika munyika dzakasiyanasiyana, reEarly Warning Project riri muWashington D.C., rinoti pane njodzi yekuti vanhu vakawanda vanogona kuurayiwa munyika pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Gwaro rabuditswa nesangano iri rinoti nyaya dzekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika, kutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nemhirizhonga yezvematongerwo enyika zvinogona kukonzera kufa kwevanhu vakawanda muZimbabwe.

Gwaro iri raisa Zimbabwe pachinhanho chegumi neina panyika makumi matatu dzine njodzi yekuurayiwa kwevanhu vakawanda nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu mune zvematongerwo enyika.

Dzimwe nyika dzine njodzi iyi dzinosanganisira Yemen, Chad, Afghanistan, Guinea, Republic of Congo, Thailand, Uganda, Mozamzbique, neBurundi.

Gwaro iri rinotiwo Zimbabwe yakashandisawo kurambidzwa kwevanhu kufamba famba munguva yakapisa chirwere cheCovid 19 kushungurudza vatori venhau pamwe nevanopikisa hurumende.

Vanokokera nhengo dzeZanu PF mudare reparamende, VaPupurai Togarepi, vati zviri kutaurwa nesangano reEarly Warning Project izvi ndezvemugotsi matsuro, vachiti Zimbabwe inyika yakagadzikana zvikuru.

Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vati zviri kutaurwa neZanu PF handizvo zviri kuitika munyika, vachiti vanowirirana nezviri mugwaro iri.

Nhengo yebato reCCC, VaJob Sikhala, avo vachiri muhusungwa.
Nhengo yebato reCCC, VaJob Sikhala, avo vachiri muhusungwa.

Vati kushungurudzwa kuri kuitwa mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, avo vakasungwa zvichitevera kupambwa nekupondwa kwehengo yebato reCitizens Coalition for Change kuNyatsime, Muzvare Moreblessing Ali, ndemumwe mucherechedzo wekusamira zvakanaka kwenyaya dzezvematongerwo enyika.

VaTogarepi vati vari kukonzera mhirizhonga vanhu vanotengesa nyika vari kuda kuti sarudzo dzegore rinouya dzinzi nevekunze isarudzo dzisina kuchena.

Mutauriri wesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vati kutyorwa kwekodzero dzevanopikisa hurumende, vatori venhau pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu kuri kuramba kuchienderera mberi.

Vakurudzirawo vezvematongerwo enyika kuti vatsvage rutsigiro murunyararo vasingatyore kodzero dzevavanenge vachikwidzana navo pasarudzo.

Mibvunzo yatatumira gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaKazembe Kazembe, pamwe negurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo.

Asi VaZiyambi vakataura mushure mekushanya kwechikwata cheCommonwealth chakanga chiri munyika masvondo mashomanana adarika chichiongorora kuti Zimbabwe yagadzirira zvakakwana here kuti idzoserwe mugungano iri, kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kushanda zvakasimba kuona kuti kodzero dzevanhu dzaremekedzwa.

Taedzawo kunzwa zvizhinji kune vamwe vakashanda nesangano iri pakuburitsa gwaro iri asi mushandi vati havabvumidzwe kutaura nevatori venhau pamusoro penyaya iyi.

Gwaro reEarly Warning Project iri, iro rinobuditswa kamwechete mukati memakore maviri, haritarise nyika dzinenge dziri muhondo dzakaita seUkraine.

Zimbabwe ine nhoroondo yekutyora kodzero dzeveruzhinji kana yatarisana nesarudzo.

Pamberi pesarudzo dzechipiri dzekutsvaga mutungamiri wenyika dzakaitwa muna 2008 zvinonzi pane vanhu vakawanda vakapondwa vamwe vakapisirwa misha.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG