Accessibility links

Breaking News

America Inobuda muMakwikwi eWorld Cup Mushure meKukundwa 3-1 neNetherlands


Kukunda kweNetherlands chikwata cheAmerica kwave kureva kuti ndiyo yaita yekutanga kupinda mukota fainari yeWorld Cup 2022. (Photo by Alberto PIZZOLI / AFP)

America yabuda mumakwikwi emukombe wepasi rose, weFIFA World Cup 2022, ari kutambirwa kuQatar, mushure mekukundwa 3-1 neNetherlands.

Kukunda kweNetherlands kwave kureva kuti ndiyo nyika chekutanga kupinda munharaunda yemakota fainari.

Zvibodzwa zveNetherlands zvabva kuna Memphis Depay naDaley Blind muchikamu chekutanga chemutambo, kuchiti Denzel Dumfries achizonwisawo chibodzwa chetatu mukupera kwechikamu chepiri.

Chibodzwa cheAmerica chabva kune chikomana Haji Wright, icho chapinza mumambure bhora ranongedzwa kugedhe reNetherlands na Christian Pulisic.

Netherlands yave kumirira kusangana nechikwata chichakunda pamutambo uri pakati peArgentina neAustralia uchatambwa manheru anhasi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG