Accessibility links

Breaking News

Ghana, Cameroun Dzinoburitswa muMakwikwi eNhabvu yePasi Rose eWorld Cup Ari Kutambirwa kuQatar


Mutambi weUruguay, Giorgian De Arrascaeta, achinwisa chibodzwa chenyika yake chekutanga pamutambo wavo neGhana kuQatar.
Mutambi weUruguay, Giorgian De Arrascaeta, achinwisa chibodzwa chenyika yake chekutanga pamutambo wavo neGhana kuQatar.

Ghana yakundikana kuenderera mberi mumakwikwi enhabvu yepasi rose eWorld Cup ari kuQatar mushure mekurohwa 2-0 neUruguay mune mumwe wemitambo miviri yemuGroup H yatambwa manheru ano.

Mune mumwe mutambo mugungano iri, Portugal yarohwa 2-1 neSouth Korea, izvo zvaita kuti zvikwata zviviri izvi zvibudirire kupinda mugungano rezvikwata gumi nezvitanhatu, kana kuti Group of 16 zviri zviviri sezvo South Korea yanga ichingoda kukunda.

Cameroun, iyo yanga iri muGroup G, yakunda Brazil 1-0 asi izvi hazvina kuinunura kuti isabude mumakwikwi aya.

Swizterland, iyo yanga iri mugungano reGroup G zvakare, yakunda Serbia 3-2, izvo zvaipa mukana wekubatana neBrazil, kupinda mugungano rezvikwata gumi nezvitanhatu.

Ghana neUruguay dzose dziri mbiri dzabudawo mumakwikwi aya zvekuti dzave kusungwa tutundu kudzokera kumusha.

Pari zvino zvikwata zviviri chete zvemuAfrica, Senegal neMorocco, ndizvo chete zvabudirira kupinda mugungano rezvikwata gumi nezvitanhatu.

Cameroun neGhana dzabatana neTunisia, iyo yakaburitswa kare mumakundano aya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG