Accessibility links

Breaking News

Sangano reProject 263 Rinoenda kuDare reHigh Court Richida Kuwaniswa Gwaro reVavhoti repaDandemutande neZEC


ZEC iri kumanikidzwa kuti iburitse gwaro revavhoti repadandemutande kana kuti electronic voters' roll.

Sangano rinoongora sarudzo reProject Vote 263 nemusi weChina rakakwira kudare repamusoro reHigh Court richida kuti dare rimanikidze Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti iri wanise gwaro revavhoti repadandemutande, kana kuti electronic voters roll.

Mukuru wesangano iri VaYoungerson Matete, vanoti ZEC haisi kuda kuvapa gwaro repadandemutande iri asi ichida kuti vatenge gwaro revavhoti remapepa, kana kuti hard copy, iro ravanoti riri kudhura zvakanyanya.

VaMatete vanoti gwaro revavhoti rebepa riri kutengeswa nedhora rimwechete papeji, uye gwaro iri rine mapeji anodarika zana nemakumi masere ezviuru.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana kuti tinzwe divi ravo, asi vakamboudza zvavo Studio 7 kuti komisheni yavo iri mushishi kugadzirisa gwaro revavhoti kuti riende padandemutande.

Mamwe masangano akazvimirira pamwe nemapato anopikisa vari kunetsanawo neZEC pamusoro pegwaro revavhoti repadandemutande iri.

Hurukuro naVaYoungerson Matete
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG