Accessibility links

Breaking News

Tsvakurudzo yePYCD nePLAAS Inoratidza Kuti Kutorera Vanhu veKumaruwa Minda neMisha Yavo Hazviunzi Budiriro Uye Inokanganisa Madzimai neVana


Sabhuku Zvironzo Kondo vekuChipinge vanoti dambudziko rekutorera vanhu minda mumaruwa rinonyanya kubata madzimai.
Sabhuku Zvironzo Kondo vekuChipinge vanoti dambudziko rekutorera vanhu minda mumaruwa rinonyanya kubata madzimai.

Tsvakurudzo ichangobva mukuitwa nesangano rePlatform for Youth and Community Development (PYCD) rakabatana neInstitute for Poverty, Land and Agrarian Studies (PLAAS) yepaWestern Cape University kuSouth Africa, inoratidza kuti kutorera vanhu vekumaruwa misha neminda yavo kuti pavakwe madhorobha kana kuita mabasa ebudiriro akaita sekutanga miighodhi, hazviunzi budiriro.

Tsvakurudzo iyi inoti kuita kwakadai asi kunotowedzera hurombo nekusiya vanhu vasina pekugara, uye izvi zvinonyanyokanganisa vanhukadzi nevana.

Vachitaura pamusangano wekuzivisa nekuzeya zvakabuda mutsvakurudzo iyi, iyo yakaitirwa kudunhu reChipinge kuManicaland, vaitungamira tsvakurudzo iyi, Doctor Philani Zamchiya, vePLAAS, vanoti zvakabudawo pachena kuti kubvisa vanhu munzvimbo dzavanogara kunoshungurudza madzimai zvakanyanya uye kunovasiya vave muhurombo hwakanyanya.

Tsvakurudzo iyi yaida kuona kuti madzimai anobatwa sei nekudzingwa kuri kuitwa vanhu munzvimbo dzavanogara mumaruwa.

Vanotiwo nyaya yekutora maruzevha kuti pavakwe madhorobha nemaGrowth Point inoita kuti nzvimbo dzekuvakira dzidhure izvo zvinosiya madziamai asina mukana wekutenga nzvimbo idzi pamwe nekupa mukana kune vaya vanoita zvechioko muhomwe.

VaZamchiya vanotiwo vanhu vari kudzingwa munzvimbo dzavanogara zviri kunze kwemutemo.

Vanoti pachiri kushandiswa mitemo yaishandiswa nehurumende yevapambevhu yeRhodesia uye vanokurudzira kuti mitemo iyi ivandudzwe kuti pave nekutaurirana pakati pevanhu, kanzuru kana hurumende pasati paitwa danho rekuvaka dhorobha kana kuunza kambani munzvimbo.

Vanoti mitemo yakaita seCommunal Lands Act, iyo inopa simba rakanyanya kuhurumende, inofanira kubviswa.

Doctor Philani Zamchiya
Doctor Philani Zamchiya

Sabhuku vemumusha weMubarati kuWard 16 kwaKondo kwakare kuChipinge, Amai Zvironzo Kondo, vaudza Studio 7 kuti dambudziko rekudzingwa kwevanhu nekanzuru rakura chose munzvimbo mavo uye vanhu vanochema kwavari zuva nezuva.

Amai Kondo vanotiwo madzimai ndiwo ari kunyanya kutambudzwa nenyaya iyi sezvo asina chekubata uye vamwe vavo vari chirikadzi.

Asi nhengo yeparamende inomirira Norton, VaTemba Mliswa, avo vakazvimirira, vaudza musangano uyu kuti madzimai haafaniri kubviswa munzvumbo dzaanogara vachiti pane mitemo yakakwana munyika inovadzivirira.

Vati madzimai anofanira kuenda kumatare edzimhosva kuitira kuona kuti mitemo yatevedza.

Mukuru wekanzuru yeChipinge, VaBlessing Mamvosha, vaudza musangano uyu kuti handi chokwadi kuti kanzuru inobvisa vanhu munzvimbo dzavanogara zvisiri pamutemo.

Vatiwo vamwe vanhu vari kubviswa munzvimbo dzavari kugara vakapinda munzvimbo idzi zvirisiri pamutemo.

Vati vanobvumirana naVaZamchiya kuti panofanira kuva nekutaurirana pakati pevagari, madzishe, kanzuru nevamwe pasaitwa paitwa danho rekutanga bhizimisi kana kuvaka dhorobha munzvimbo.

Mukuru wePYCD, VaClaris Madhuku vaudza Studio 7 kuti vakaita tsvakurudzo iyi mushure mekuona kuti vanhu vakawanda vari kudzingwa munzvimbo dzavanogara nekuda kwekuti hurumende iri kukoshesa vemabhizimisi kudarika vanhuwo zvavo.

Vanoti kuChipinge vanhu vari kudzingwa kuti makambani atange migodhi, nemabasa ekurima uye kuti pavakwe madhorobha, uye vanoti tsvakurudzo yavo yaburitsa pachena kuti izvi zvinosiya vanhu vachiyaura nenzara.

Kana VaMamvocha vabvumawo kuti mamwe makambani akapinda munzvimbo yeChipinge haana kupa vanhu zvaaivimbisa paakavabvisa pamisha neminda yavo, uye vari kutoshushikanawo nazvo.

Mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joana Mamombe, vaudza musangano uyu kuti tsvakurudzo yePYCD nePLAAS inofanira kuzeiwa neparamende kuitira kuti hurumende igadzirise dambudziko riripo.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG