Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare Vochemachema neKushomeka kweMotokari dzeKanzuru Yavo Dzinotakura Varwere


Vagari vemuHarare vanoti dambudziko ravo riri pakuti amburenzi dzekanzuru hadziwanikwe pavanodzida nekuti ishoma.
Vagari vemuHarare vanoti dambudziko ravo riri pakuti amburenzi dzekanzuru hadziwanikwe pavanodzida nekuti ishoma.

Vamwe vagari vemuHarare vari kuchema-chema nekushomeka kwemotokari dzekanzuru dzinotakura varwere, kana kuti maamburenzi, dzinova idzo dzine muripo uri nani zvichienzaniswa nedzemakambani akazvimirira.

VaTaurai Zviripamwoyo, avo vakarwarirwa mazuva mashoma achangodarika, vanoti kunyangwe hazvo motokari dzinotakura varwere dzekanzuru yeHarare dziine muripo uri nani, hadziwanikwi zviri nyore.

VaZviripamwoyo vanoti mamwe makambani ane motokari dzinotakura varwere akazvimirira anodhura zvakanyanya.

Vachitaura neStudio 7, mumwe zvakare mugari wemuHarare, VaTanatsiwa Dambuza, vati kodzero yehutano iri mubumbiro remitemo yenyika haigoni kuzadzikiswa kana vagari vasiri kuwana motokari dzinotakura varwere dzine muripo uri pasi sedzekanzuru yeHarare.

VaDambuza vakurudzira kanzuru kuti igadzirise dambudziko iri.

Meya veHarare VaJacob Mafume
Meya veHarare VaJacob Mafume

Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, vatendawo kuti motokari dzinotakura varwere muguta ishoma zvakanyanya vachiti pari zvino dzinogona kunga dziri nomwe kana sere.

Vawedzerawo vachiti kanzuru yavo ichange ichizeya nezvenyaya yekushomeka kwemotokari dzinotakura varwere kuti vagadzirise dambudziko iri.

Vachipindura mubvunzo wekuti imotokari ngani dzingakwanira kanzuru, VaMafume vati kanzuru inoda mota dzinotakura varwere makumi maviri neshanu.

Tsvakiridzo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti motokari dzekanzuru dzinotakura varwere ndidzo dzine mutengo yepasi inogonekwa nevagari vasina mari yakawanda.

Pari zvino motokari dzinotakura varwere dzekanzuru yeHarare dzinobhadharisa makumi maviri emadhora ekuAmerica kana kuti US$20.00, vagari vachitenderwa kubhadhara nemari yemunyika.

Ukuwo, makambani akazvimiririra achibhadarisa varwere mari inogona kusvika kuzana remadhora kana kuti US$100.00, kutakura murwere panguva yega yega.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG