Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yova Nyika Yekutanga muAfrica Kubaya Vanhu Jekiseni reMushonga weHIV/AIDS


Zimbabwe nemusi weChina yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza World Aids Day vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS vachiti pane zvichiri kuda kugadziriswa kuti Zimbabwe izadzise donzvo rekupedza denda iri panozosvika 2030 .

Zimbabwe ndiyo nyika yekutanga muAfrica kushandisa mushonga wejekiseni rekudzikisa hukasha hwechirwere cheHIV rinonzi cabotegravir uye nyanzvi dzinoti iri kuita zviri nani kurwisa denda iri kudarika nyika dzakawanda.

Dunhu reSADC ndiro rine vanhu vakawanda vane chirwere ichi pasi rose zvikuru muSouth Africa.

Vachitaura kumhemberero dzaitwa kuMarondera kuRudhaka Stadium nhasi mukuru weNational Aids Council, Doctor Bernard Madzima vatiwo zvakakosha kuti munhu wese akwanise kuwana rubatsiro kana ane chirwere cheHIV/AIDS vachiti izvi ndizvo zvinobatsira nyika kuti ikwanise kuzadzikisa chiga chekuderedza nekupedza kupararira kwehutachiona hweHIV/AIDS

Vachitaura neStudio 7 Amai Martha Tholanah vave nemakore makumi maviri nerimwe vachirarama nehutachiona hweHIV/ AIDS vati Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa matambudziko akadai sehurombo nemhirizhonga yekushungurudzwa kwevana vadIko pabonde mukuedza kuzadzikisa tarisiro yekupedza kupararira kwehutachiona hweHIV/AIDS.

Amai Tholanah vatiwo mapiritsi anoshandiswa nevanorarama neHIV/AIDS anogona kukonzerawo mamwe matambudziko nekudaro zvakakosha kuti nyika iise zvirongwa zvinoita kuti vanorarama nehutachiona vaongororwe pachena nguva nenguva zvinhu zvakadai sechiropa neitsvo .

Mumwezve anorarama nehutachiona hweHIV/AIDS Pastor Maxwell Kapachawo vati kupedza dambudziko rekupararira kwehutachiona zvakakosha kuti nyika igadzirise matambudziko arimunyaya dzezvehutano.

Amai Olive Thabeni mukuru werimwe sangano rinoshanda nevanorarama neHIV/AIDS reLife Empowerment Support Organisation vati zvakakosha kuti vanhu vanorarama nechirwere ichi vabatsirwe kudzivirira zvimwe zvirwere zvakadai segomarara rechibereko pachena .

Zuva reWorld Aids Day rinocherechedzwa musi wa1Zvita gore negore richishandiswa sezuva rekurangarira avo vakashaya ne

kuda kwechirwere cheAIDS pamwe nekuyeuchidzana nezvechirwere ichi. Zuva iri rakatanga kucherechedzwa muna 1988 zvakurudzirwa nesangano rinoona nezvehutano pasi rese reWorld Health Organisation. Dingindira regore rino ririkukurudzira kuti munhu wese anorarama nehutachiona awane kubatsirika zvisinei nechimiro chake.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG