Accessibility links

Breaking News

Morocco Yopinda Muchikamu cheChipiri kuWorld Cup Iri Pamusoro peGungano Rayo Uye Isina Kana Kukundwa


Morocco yave nyika yechipiri kubva kuAfrica kupinda muchikamu chechipiri chemakwikwi eFIFA World Cup mushure mekurova Canada 2-1 nhasi. Senegal ndiyo yakatanga kupinda muchikamu chechipiri ichi. kana kuti Round of 16.

Morroco ndiyo yapedza yakatungamira Group F isina kudyiwa kana mutambo mumwe chete.

Nyika iyi yakashura mare apo yakarova Belgium 2-0 uye kuita mangange 0-0 neCroatia.

Nyika dzabudirira kuenda kuchikamu chechipiri dzave gumi nembiri arizvino uye dzinoti, Potugal, Brazil, Argentina, Poland, France, England, Australia, Senegal, Croatia, Morocco, USA, Netherlands.

Panyika dzemuAfrica dzange dziri kumakwikwi aya, Tunisia ndiyo yakatanga kubuda. Ghana neCameroon dzasarwa nemutambo mumwe chete.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG