Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi Dzopa Maonero Aakasiyana paHurongwa hweRBZ Hwenzwa Veruzhinji paMari yepaMadandemutande, Kana Kuti Digital Currency


Reserve Bank of Zimbabwe
Reserve Bank of Zimbabwe

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti danho rebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, rekunzwa pfungwa dzeveruzhinji pamusoro pehurongwa hwaro hwekuda kuparura mari inoshandiswa pamadandemutande, kana kuti Central Bank Digital Currency, (CBDC) rakanaka chose sezvo richipa mukana kune veruzhinji kuisawo maonero avo.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti danho iri harina zvikuru zvarinobatsira nazvo veruzhinji sezvo vasina kutanga vapiwa ruzivo rwechinhu chavari kubvunzwa nezvacho vasati vapa pfungwa dzavo, izvo zvinozoita kuti zvavachapa zvishaye basa.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti vanoona riri danho rakanaka chose rekuti Reserve Bank of Zimbabwe iri kunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pemari yepadandemutande iyi, vachitiwo mari iyi yakakosha nekuti inochengeta huremu kana zvichienzaniswa nemari iri kushanda munyika pari zvino.

Izvi zvinotsigirwawo neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, avo vanotiwo vanoona danho rekuunza mari ye digital currency inenge ichitsigirwa nebhanga guru renyika rakanaka.

Doctor Chitambara vanoti danho iri rinoitawo kuti vanhu vakawanda vange vachizoda kushandisa mari iyi vachiti kuvepo kwayo kunobatsira kupedzawo matambudziko ekushaikwa kwemari sezvinomboitika kumabhanga.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vane maonero akasiyana neevamwe.

Muzvare Mutambasere vanoti bhanga guru renyika raifanirwa kutanga rambopa dzidziso kune veruzhinji kuitira kuti vagozoziva nezvemibvunzo yavanenge vachipindura.

VaKuchera vanodzoka vachiti chingangotadzisa hurongwa uhu kubudirira inyaya yekuti zvikwanisiro zvinodiwa kuti madandemutande ashande zvisina dambudziko zvakaita semasaisai, magetsi nezvimwe zvinogara zvichinetsa muZimbabwe.

Izvi zvinotsinhirwa naMuzvare Mutambasere, avo vanotiwo havaoni hurongwa hwekushandiswa kwemari yepadandemutande uhu huchibudirira nekuda kwematambudziko akasiyanasiyana akatarisana nenyika anosanganisira kushaikwa kwemagetsi, kunetsa kwekufambiswa kwemasaisai, nezvimwe zvakawanda.

Imwe yemari iri kushanda munyika.
Imwe yemari iri kushanda munyika.

Tingaona here veReserve Bank of Zimbabwe vachitambira pfungwa dzeveruzhinji dzavari kuunganidza idzi? Doctor Chitambara vanoti maonero avo ndeekuti bhanga guru renyika richazvitambira nekuti hurongwa hwaro huri pachena.

Bhanga guru rakazivisa musi wa 09 mwedzi uno kuti riri kupa mukana kune veruzhinji kuti vapewo pfungwa dzavo pakunaka kana kuipa kwehurongwa hwemari yepamadandemutande uhu uho riri kutsigira, uye mukana uyu unopera musi wa 07 Zvita.

Kana mhando yemari iyi yakatambirwa neveruzhinji inenge ichizoshanda sezvinongoita dzimwe nzira dzekubhadhara nadzo dzakaita semari yemapepa kana yemusvo, makadhi ekumabhanga kanawo mafoni dziri kushanda munyika pari zvino.

MuAfrica nyika yeNigeria ndiyo inonzi yakave yekutanga kushandisa mhando yemari iyi payakaparura e-Naira, uye dzimwe nyika dzinosanganisira South Africa neRwanda dzinonzi dziri kurongawo kuparura mhando yemari iyi.

Dzimwewo nyika dziri mumubatanidzwa weEastern Caribbean Union dzinoti Antigua neBarbuda, Dominica, Grenada, Montserrat, St. Kitts neNevis, Saint Lucia, neSt. Vincent neGrenadines dzinonzi dzatove kushandisa mhando yemari yepamadandemutande iyi nechakare.

Nyaya yezvehupfumi ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG