Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mubayiwa Vomiswazve Pamberi peDare neNyaya Yavari Kupomerwa Yekuda Kuuraya VaChiwenga


Marry Mubaiwa At Court
Marry Mubaiwa At Court

Vaimbova mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, Muzvare Marry Mubaiwa vange vari mudare nhasi pamhosva yavari kuda kupomerwa yekuda kuuaya VaChiwenga vari muchipatara kuSouth Africa. Amai Mubayiwa vari kuramba nyaya iyi.

Vaimbova mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, Muzvare Marry Mubaiwa vasvitsa chikumbiro chekuti nyaya yavari kupomerwa yekunzi vaida kuuraya VaChiwenga pavairwara vari kuSouth Africa imbomira kutongwa. Izvi zvinotevera chikumbiro chavakasvitsa kudare repamusoro chekuti mutongo wedare ramejasitiriti wekuti nyaya iyi itongerwe munyika usendekwe parutivi.

Muzvare Mubaiwa vati vari kutarisira kuti nyaya iyi ichafambiswa zvakanaka mumatare. Gweta ravo, Amai Beatrice Mtetwa, vaudza dare kuti nyaya iyi inofanira kunotongerwa kuSouth Africa kunova kwayakaitikira.

Asi muchuchisi wenyaya iyi, VaGeorge Manokore, vati nyaya iyi inofanira kutanga kutongwa sezvo vachiti hapana chikumbiro chakasvitswa kudare repamusoro naMuzvare Mubaiwa zvichitevera kuramba kwakange kwaitwa nedare ramejasitiriti kuti nyaya iyi inonzwikwa kuSouth Africa. VaManokore vatiwo zviri kudhururira hurumende kuti irambe ichiunza vafakazi vayo vaviri kudare.

Asi Amai Mtetwa vati zvataurwa naVaManokore manyepo sezvo vakaburitsa magwaro enyaya iyi iyo yavakasvitsa kudare repamusoro. Vatiwo kutongera nyaya iyi muno kuchadhurira nyika nokuti hurumende ichada kuunza vafakazi vakawanda kubva kuSouth Africa vachitiwo vatongi vemuno vakasungwa mbiradzakondo nemutemo uyo unoti mhosva inofanira kutongerwa kwayakaparirwa.

Amai Chakanyuka vati vachatura mutongo wavo neChina panyaya iyi.

Vatiwo vari kushushikana zvikuru kuti masangano anorwira kodzero dzemadzimai nevana ari kuramba akanyarara ivo vachishungurudzwa naVaChiwenga. Vatiwo varikurwadziwa kuti nguva yarebersa vasiri kukwanisa kuona vana vavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG