Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vonyimwa Zvakare Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Feresu Chakanyuka, varasa chikumbiro chemumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala chekuti vatongwe vachibva kumba pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakavhiringidza mafambisirirwo enyaya mumatare zvichitevera kupambwa nekupondwa kwaMuzvare Ali kuNyatsime.

VaSikhala vakange vadzika kudare vachida kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti dzimwe nhengo dzeTripple C dzavajkasungwa pamwechete nadzo dzakapihwa mukana wekutongwa dzichibva kumba uye nguva yarebesa vari muhusungwa.

Asi Amai Chakanyuka vati hapana chachinja kubva pavakambonyimwa mukana uyu nematare vachiti VaSikhala munhu anogara achikoromora nyaya uye vakatyora zviga zvavakapihwa nedare pane imwe nyaya yavari kupomerwa yekukurudzira mhirizhonga pavanonzi vakakurudzira veruzhinji kuti vapinde mumigwagwa vachiratidzira muna Chikunguru 2020.

Amai Feresu vati VaSikhala vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo vanogona kuramba vachipara mhosva zvavati zvinogona kukoknzera kusagadzikana munyika.

Amai Feresu vati VaSikhala vagodzoka kudare musi waZvita 5 pakatarisirwa kutanga kutongwa kwemhosva yavari kupomerwa iyi. VaSikhala vakatarisirwawo mudare musi waZvita 7 apo dare rakatarisirwa kutura mutongo waro wekuti mutongi pane imwe nyaya yavari kupomerwa yekunzi vakakurudzira mhirizhonga zvichitevera kupambwa nekupondwa kwaMuzvare Ali ogeza mawoko ake here kana kuti kwete panyaya iyi zvichitevera chikumbiro chakasvitswa naVaSikhala.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG