Reserve Bank of Zimbabwe yazivisa kuti dhora remunyika riri kuramba richishaya simba pamusika wekutenga nekutengeserana mari wekunze kana kuti RBZ auction rate. RBZ yazivisa izvi padandemutande rayo reTwitter.
Nhasi dhora rekuAmerica range richitengwa nemashora mazana makumi matanhatu nemakumi mashanu nemana nezviga zvisere nezvinoraudzira kana kuti 1 US dollar to ZWL654, 8651.
Svondo rapera dhora rekuAmerica raitengwa nemadhora zana nemakumi matanhatu nemaumi mana nematanhatu nezvigag zviviri nezvinoraudzira kana kuti 1 US$1To ZWL 646, 2415.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vati RBZ iri kuyedza kuda kuti huremu hwedhora kumusika wayo huenzane nehwepamusika wemukoto uri kutengesa dhora rekuyAmerica nemadhora mazana masere kusvika pamazana mana kana kuti ZWL800 to ZWL 900 asi vati izvi zvichanetsa.
Facebook Forum