Accessibility links

Breaking News

Morocco Yosimudza Mureza weAfrica kuWorld Cup


Morocco yakashamisa vakawanda nezuro kumakwikwi eWorld Cup ari kuitirwa kuQatar mushure mekurova Belgium 2-0 zvange zvisingatarisirwe nevakawanda. Aka ndekekutanga Morocco ichikunda mumutambo weWorld Cup kekutanga kubva muna 1998.

Morocco yave nyika yechipiri yemuAfrica kukundawo kumakwikwi aya zvichitevera kukunda kwakaita Senegal Qatar 3-1. Morocco iri muGroup F pamwe chete neCroatia iyo yakatungamira gungano iri nezvibodzwa zvakawanda mushure mekurova Canada- 4-1.

Romelu Lukaku
Romelu Lukaku

Croatia ine mapoinzi mana, Morocco ine manawo ichiteverwa neBelgium ine poindi imwe chete sezvakangoitawo Canada iyo yabva yabuda mumakwikwi aya.

Zvikwata zvise zvasarirwa nemutambo mumwe chete wekupedzisira. Morocco ichatamba neCanada musi wa 1 Zvita ukuwo Belgium ichitamba neCroatia musi wakarewo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG