Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Voparura Bhajeti reZWL$4, 2 Trillion


Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube nhasi vaparura bhajeti regore rinouuya reZWL4.2 trillion vachitarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvitatu nechidimbu kubva muzana kana kuti 3,5%,.

VaNcube vati hurumende inotarisira kuwana ZWL$3.9 trillion dollars yemuno asi inotarisira kushandisa ZWL$4.2 trillion uye vanenzira dzavachandisa kuti mari iyi ikwane.

Vati zvinangwa zvikuru zvebhajeti ravo zvinosanganisira kutsigira mabasa ekurima, kusimudzira mabasa ezvicherwa, hutano ndezidzo.

Vati nekuda kwaizvozvo vapa mari yakawanda kubazi redzidzo yepasi.

Basi redzidzo yepasi rapihwa ZWL$631 billion yemadhora emuno inova mari yakawanda kudarika mamwe mapazi.

Pamakomisheni ese Zimbabwe Electoral Commission ndiyo yawana mari yakawanda, 76 billion. yemadhora emuno kuti igadzirire sarudzo dzegore rinouuya.

VaNcube vatora mamwe matanho ekuwedzera kana kubvisa mitero yakaita seValue Added Tax iyo yawedzerwa kusvika pazvikamu gumi kubva muzana.

Vadzorawo mutero pachikafu chinotengwa kunze kwenyika. Mutero uyu wainge wambobviswa senzira yekurerutsira veruzhinji kuti vatenge chikafu chinemutengo uri pasi.

Vaimbove gurukota rezvemari VaTendai Biti veCCC vachimirira Harare East vaudza Studio 7 kuti varwadziwa kuti VaNcube vawedzera mitero, inobata varombo.

VaBiti vati bhajeti iri ringadai raitwa pachishandiswa madhora eku America

Vanokokera nhengo dzeMDC - T muparamende, VaDavid Tekeshe, vachimirira Makoni Central vatiwo bhajeti ravaNcube harina matanho anopedza kutambura kweveruzhinji munyika.


Asi muzvinabhizimisi zvakare varisachigaro weGrain Millers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Musararavati vanofara chose nematanho atorwa naVaNcube mubhajeti ravo.


Nhengo yeZanu PF yekuMashonaland East Amai Tatenda Mavetera vanoti vafara kuti mapazi edzidzo yepasi nerehutano ndiwo awana mari yakawanda.


Bhajeti richazeiwa neparamende kutanga musi 6 mwedzi unouya uye rinogona kupaswa sezvariri kana kusandurwa semaonero anenge achiita nhengo dzedare reparamende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG