Accessibility links

Breaking News

Pane Chikwata chemuAfrica Chichaenderera Mberi muWorld Cup Here?


Kunyangwe hazvo pasina chikwata chemuAfrica chati chatiora mapoinzi matatu kumakwikwi eWorld Cup, vazhinji munyika vachiine tarisiro yekuti zvikwata zvishanu zviri kumiririra Africa zvichaenderera mberi muchikamu chechipiri chemakundano aya.

Africa iri kumiririrwa kumakwikwi aya neSenegal, Ghana, Cameroon, Tunisia neMorocco. Mumitambo yekutanga, Senegal yakarohwa 2-0 neNetherlands, Tunisia yakaita mangange 0-0 neDenmark, Morocco yakaita mangange 0-0 neCroatia.

Izvi zvasiya vatsigiri venhabvu vekuAfrica vazhinji vachibvunza kuti zvikwata zvishanu zvinobva kuAfrica zvichakwanisa kuenderera mberi here sezvo parizvino pasina zvikwata zvati zvakwanisa kukunda.

Asi muongorori wenhau dzemitambo Muziwethu Hadebe anoti ane chivimbo chekuti zvikwata zvekuAfrica zvinokwanisa kuenderera mberi kubva kuma Group stages nekuti zviri kutamba nemoyo wese kunyangwe hazvo zvisati zvakunda pamitambo yatambwa parizvino.

"Vatsigiri vezhinji venhabvu vari munyika vazhinji vanoti shuwiro yavo ndeyekuti zvikwata zvemu Africa zvienderere mberi kubva pama group stages mumakwikwi e FIFA World Cup 2022 kuQatar. Kunyangwe hazvo vasati vakunda mumitambo yatambwa kumakwikwi aya ndine tarisiro yekuti vachienderera mberi," Hadebe audza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG