Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vonyimwa keChigumi Mukana Wekubvisa Mari yeChibatiso


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Dare ramejasitiriti nhasi ranyima zvakare mumiriri weZengeza West mudare reparamende, VaJob Sikhala mukana wekubvia mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekukurudzira mhirizhonga zvichitevera kupambwa nekupondwa kwenhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, Muzvare Moreblessing Ali, kuNyatsime.

Vachitura mutongo wavo, mutongi wedare, Muzvare Tafadzwa Mhiti, vati hapana chachinja panyaya yaVaSikhala chinokodzera kuti vapihwe mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo panyaya yavari kupomerwa yekukurudzira mhirizhonga.

Vaenderera mberi vachiti VaSikhala vane imwe nyaya yavari kupomerwa yakadai yavakapara muna 2020 pavanonzi vakakurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati musi wa 31 Chikunguru.

Muzvare Mhiti vati uyu ndiwo musiyano uripo pakati paVaSikhala nevamwe gumi nevashanu vanosanganisira mumiriri weChitungwiza North muparamende, VaGodfrey Sithole, avo vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Mutongi wedare ati VaSikhala munhu akasungwa kakawanda zvichireva kuti munhu anogara achipara mhosva vakati kuvabuditsa muhusungwa kunokanganisa kuchengetedzeka kweveruzhinji.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaFreddy Masarirevhu vati havana kufara nemutongo wedare vachiti mutongi wedare ati VaSikhala vakabvuma kuti vakapara mhosva yavari kupomerwa asi ivo vari kuramba mhosva iyi. Vatiwo vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCCC, Muzvare Fadzayi Mahere, avo vanga varipowo paturwa mutongo uyu vati mutongo wanhasi unoratidza kuti bato reZanu PF riri kutya kukundwa nebato musarudzo dzegore rinouya. Asi mushandi mukuru mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati handi chokwadi.

Taedza kubata mutauriri weZanu PF VaChristopher Mutsvangwa pamwe nemushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaTafadzwa Mugwadi asi vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi VaMugwadi vakamboudza Studio 7 kuti bato ravo harinei nemafambisirwo enyaya mumatare. Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi pamwe negurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vakataurawo nguva pfupi yadarika kuti munhu anomira mudare nemhosva dzaanenge achipomerwa zvisinei kuti abuda mumba maani.

VaSikhala, avo vasvitsa mazuva zana nemakumi matanhatu nemaviri vari muhusungwa nhasi, vakatarisirwa kutanga kutongwa mangwana panyaya iyi.

Vakatarisirwawo kupihwa mutongo neChishanu pachikumbiro chavakasvitsa kudare nezuro chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo pane imwe mhosva yekunzi vakavhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare zvichitevera mashoko avanonzi vakataura vakaisa pamadandemutande akawanda mushure mekupambwa nekuzopondwa kwakaitwa Muzvare Ali.

Asi vanoti pavanonzi vakaita izvi vainge vatove muhusungwa. Mhuri yemufi inoti haisi kuzoviga Muzvare Ali kudzamara VaSikhala vaburitswa muhusungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG