Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotsvaga Rubatsiro rweKuvaka Dura reNhoroondo yeHondo yeRusungunuko


Kenneth Kaunda (left,) Samora Machel (center), Julius Nyerere
Kenneth Kaunda (left,) Samora Machel (center), Julius Nyerere

Zimbabwe iri kuenderera mberi nekuyedza kutsvaga nyika dzemuAfrica dzekushanda nadzo pakuvaka dura renhoroondo yehondo yeChimurenga kana kuti Museum of African Liberation.

Mutungamiri wenyika bebato reZanu-PF VaEmmerson Mnangagwa svondo rino vakatuma munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato ravo VaSimbarashe Mumbengegwi kuti vanoita musangano nemutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi.

Mumusangano uyu, VaMumbengegwi vakaudza VaMasisi kuti Zimbabwe yaisa parutivi one hectare kuti ivake dura kana kuti museum inenge iine nhoroondo yezvayakaita kubatsira dzimwe nyika dzairwira rusungunuko.

Bepanhau reHerald rinoti VaMasisi vakaratidza kufara nezvakataurwa nehurumende izvi. Botswana yaive pasi peBritain kana kuti British Protectorate haia kutora zvombo kurwisa Britain asi yakawana kuzvitongo kuzere muna 1965 kuburikidza nekutaurirana pasina kudeuka ropa.

VaMumbengegwi vakatiwo dura iri rakakosha mukuchengetedza nhoroondo yekurwira rusungunuko muAfrica.

Kuvakwa kwedura iri kuri kutsigirwawo nesangano reinstitute of African Knowledge iro rine basa rekutsvaga rutsigiro kubva kuvatungamiri vedzimwe nyika nemari.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano renyanzvi muAfrica reInstitute of African Knowledge, VaJoseph Nkani vakatenda kuti Botswana yakapihwa chikamu chemunda pamuzinda ucharatidza nhoroondo yerusununguko rweAfrica uyo uri muHarare.

Vati nzvimbo iyi inotarisirwa kuisa zvinhu kubva kunyika dzese dzemu Africa dzakarwa hondo yerusungunuko nedzimwe dzakabatsira nemari mazano nezvimwe dzakaita seBotswana. Parizvino inonzi yavakwa kusvika pazvikamu gumi nezviviri kana kuti 12% uye inotarisirwa kupedzwa kuvakwa muna 2024.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muBotswana, Doctor Lemogang Kwape vaudza Studio7 parunhare vari muGaborone muBotswana kuti danho ratorwa nehurumende yeZimbabwe rinotendwa samara sezvo kunyangwe Botswa isina kurwa hondo yerusungunuko, yakabatsirawo dzimwe nyika dzemuAfrica panguva yekurwisa hudzvanyiriri.

Nyanzvi munyaya dzenhoroondo uye vachishandira bazi rinochengetedza nhoroondo yenyika kana kuti Department of National Archives and Heritage muBotswana, VaSiyephambili Sikhosana vati hurongwa uhu hunobatsira kumutsidzira kushanyirwa kwenyika.

Miziyamu uyu, uyo uri kuvakwa nemari inodarika mamiriyoni makumi maviri emadhora ekuAmerica, uchachengetera nyaya dzedzimwe nyika zvibayiro uye nhoroondo dzeFRELIMO, SWAPO, MPLA, uye mamwe mapato akarwira rusungunuko nevakabatsira.

Semuenzaniso, nzvimbo iyi ichange ichiratidza kuurayiwa kwevanhu vakawanda mumusha weWiriyamu nemaPutukezi muMozambique muna 1972, hondo yeCuito Cuanavale kuAngola muna 1987 kusvika 1988 pakati pemauto eAngola ichitsigirwa neCuba, Soviet Union, Vietnam, ANC neSWAPO vachirwisana neUNITA neSouth Africa. Icharatidzawo nhoroondo yevarwi veMau Mau kuKenya.

Chirongwa ichi chiri kuvakwa panzvimbo ine mahekita zana, chakakomekedzwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Dambudzo Mnangagwa musi wa4 Zvita muna 2020. Iri kuvakwa panzvimbo inonzi Liberation City kuWarren Park muHarare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG