Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Runyararo Vanopikisa Vachiti Ngavazadzise neMaitiro


Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vaparura mamiriro akaita zvinhu munyika kana kuti State of the Nation Address kumuzinda mutsva weparamende mutsva kuMt Hampden. Vabva vavhurawo zviri pamutemo chikamu chechipfumbamwe chedare reparamende kana kuti 9th session.

Mumashoko avo VaMnangagwa vati mapato ezvematongerwo enyika anofanira kutsvaga rutsigiro murunyararo.

VaMnangagwa vakurudzirawo kuti paramende ipase nechimbi chimbi bhiri rekuvandudza sarudzo, reElectoral Amendment Bill sezvo nyika yatarisana nesarudzo gore rinouya.

Vatiwo paramende ine basa rakawanda sezvo paine mabhiri akawanda anoda kupasiswa.

Mamwe mabhiri anotarisirwa kuzeiwa muparamende anosanganisira Zimbabwe Human Rights Bill , ZINWA Act, Water Act, Agricultural Resources, Mines and Minerals Amendment Bill pamwe neCriminal Law (Codification and Reform) Amendement ne Public Interest Disclosure bill, ne Sugar Act iyo inechinangwa chekuti nzimbe dzitorwe sechirimwa chakakosha.

VaMnangawa vatiwo hupfumi hwenyika huri kukura uye Zimbabwe iri kuita zvakanaka munyaya dzayo dzekudyidzana nedzimwe nyika vachiti Zimbabwe inogona kuita zviri nani dai isina kutemerwa zvirango zvehupfumi.

Nhengo dzeparamende kubva kumapato akasiyana dzatambira mashoko aVaMnangagwa dziine muenero wakasiyana.

Mumiriri weHarare East mudare reparamende uye vakafanobata chimwe chigaro chemutungamiri webato reCitizens Coalition for Change VaTendai Biti, vati VaMnangagwa vatadza kutaura mashoko anobatanidza nyika vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika kunyangwe vange vachiti zviri kufamba zvakanaka.

Mutungamiri webato reMDC-T, Seneta Douglas Mwonzora vati vanowirirana naVaMnangagwa kuti pasave nemhirizhonga apo nyika inoenda kusarudzo gore rinouya asi vakati hazvifaniri kuperera mukutaura chete.

Mumiriri weNorton VaTemba, avo vakazvimira vati semugariro mashoko aVaMnangagwa akanaka chose asi haabatsiri kana makurukota avo akaramba asingakoshesi paramende.

Vanokokera nhengo dzeZanu PF muNational Assembly VaPupurai Togarepi vanomirira, Gutu South, vatenda VaMnangagwa nemashoko avo vakati zvassarira paramende kuti igadzire mitemo inodiwa nehurumende.

VaMnangagwa vavhura gore rekupedzesera reparamende kumuzinda waro mutsva wakavakwa neChina vachiti zvinoratidza hukama hwakasimba pakati penyika mbiri idzi.

VaMwonzora vati muzinda uyu wakanaka chose uyu zvakakoshawo kuti paramende ive nemuzinda wayo sezvo yanga isina chivakwa chayo.

Izvi zvatsigirwawo nemumiriri weChegutu West VaDexter Nduna VeZanu PF.

Muzinda mutsva weparamende unokshoa mazana maviri emadhora ekuAmerica wakavakwa sechipo nenyika yeChina uye wakakura zvekuti nhengo dzese paramende dzinokwana kugara dzisina kumanikidzana sezvadziri kuita pari zvino.

Nhengo imwe neimwe yeparamende ichange iine hofisi yavo pamuzinda uyu uyo usati wavhurwa zviri pamutemo sezvo pachine basa ririkupedziswa pamuzinda uyu.

Mangwana gurukoata rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vakachaparura bhajeti regore rinouuya pamuzinda uyu zvekare.

Zimbabwe iri kutarisirwa kupihwa paramende itsva iyi zviri pamutemo neChina gore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG