Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vana Voonekwa Vakafa Musango kuMudzi


VaPaul Nyathi Votaura Nezve Chirongwa Chavarikuita NeKanzuru yeHarare
VaPaul Nyathi Votaura Nezve Chirongwa Chavarikuita NeKanzuru yeHarare

Mapurisa eZimbabwe Republic Police anoti vanhu vana vakawanikwa vakafa nezuro mumugwagwa weHarare Nyamapanda paSuswe Pass kuMudzi.

Mumashoko kuvatori vanhau, mapurisa anoti ongororo yavakaita inoratidza kuti vanhu ava vanogona kunge vari zvizvarwa zvedzimwe nyika vainge vakavigwa mumotokari mushure mekupinzwa munyika zvisiri pamutemo vachibva vatadza kufema zvakapa kuti vafe. Mitumbi yavo yakabva yakandwa musango.

Mapurisa anoti akumbira rubatsiro kubva kusangano remapurisa pasi rose reInterpol.

Mapurisa anoti akasunga vamwe vanhu vaitengesa zvinodhaka zvisingabvumidzwe kana kuti cocaine nemusi weMuvhuro.

Vakasungwa ava vanoti Honest Shumba, Allen Shuma nechimwe chizvarwa chekunze Stanley Eze.

Vakasungwa kuzvimbo yekusanana kana kuti lodge muna David Morgan Crescent kuAvondale. Cocaine iyi yaive yemari inodarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana mashanu yemunyika kana kuti 5,8 million mumadhora emunyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG