Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vokumbira Kubvisa Mari yeChibatiso keChigumi


MP Sikhala in court

Mumiriri weZengeza West mudare reparamende, VaJob Sikhala, nhasi vasvitsa chikumbiro chechigumi kudare chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo panyaya ine chekuita nekupambwa nekuzopondwa kwakaitwa nhengo yebato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Moreblessing Ali, neinofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF iyo yakabvuma mhosva mudare.

Vachisvitsa chikumbiro ichi kudare, gweta raVaSikhala, Advocate Thabani Mpofu, vati nguva yarebesa VaSikhala vari mujeri vachinyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso panyaya yavati haina kumeso. VaSikhala nhasi vasvitsa mazuva zana nemakumi matanhatu ne rimwechete vari muhusungwa

VaMpofu vati pane zvakawanda zvashanduka kubva VaSikhala pavakanyimwa mukana uyu nedare ramejasitiriti pamwe nedare repamusoro reHigh Court. Vati mapurisa apedza kuferefeta nyaya iyi uye hapana humbowo hungavhiringidzwa naVaSikhala sezvo kuferefetwa kwenyaya iyi kwakapera kare uye vafakazi vese vatatu vari mapurisa anova vanhu vemutemo.

Vaenderera mberi vachiti mapepa ekuferefetwa kwenyaya iyi zvichitevera kupera kwekuferefetwa kwenyaya iyi anoratidza kuti nyaya yehurumende haina kusimba sezvo vachiti mapepa aya haaratidze kuti VaSikhala ndivo vakatora vhidhiyo iri kuda kushandiswa pakutongwa kwenyaya iyi vakaiisa pamadandemutande akawanda.

VaMpofu vatiwo hapana VaSikhala pavaizokanganisa kufambiswa kwenyaya mumatare sezvavari kupomerwa nehurumende sezvo VaPius Jamba Mukandi vakanga vatosungwa kare pavakazopomerwa mhosva iyi. Vatiwo hapana humbowo hunoratidza kuti VaSikhala vakavhiringidza kusungwa kwaemunhu akapamba pamwe nekuponda Muzvare Moreblessing Ali.

VaMpofu vati VaSikhala vanofanira kubuditswa muhusungwa sezvo kutongwa kwenyaya yavari kupomerwa yekuvhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare ichizotongwa pamwechete neimwe yavari kupomerwa yekukurudzira mhirizhinga. Vati kuti VaSikhala varambe vari muhusungwa vachinyimwa mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo iko kuferefetwa kwenyaya yavari kupomerwa kunoshoresa mafambisirwo enyaya mumatare munyika.

Rimwe remagweta aVaSikhaka, VaJeremiah Bamu, vati vasvitsa zvikonzero zvakawanda kudare pachikumbiro chavo.

Muchuchisi we nyaya iyi, VaKennedy Mudekutsikwa, vaudza dare kuti vari kuda nguva kumbofunga pamusoro pezvataurwa nemagweta aVaSikhala vasati vanyora mhinduro izere yavati vachasvitsa kudare pakupera kwezuva mangwana.

VaBamu vatenda kuti dare rati richatura mutongo waro neChishanu kana hurumende yapa mhinduro yayo uye ivo vapawo miwono yavo kudare pamhinduro yehurumende iyi.

VaSikhala vari kutarisirwawo mudare mangwana pavakatarisirwa kupihwa mutongo pachikumbiro chekuti vatongwe vachibva panze pamhosva yavanonzi vakakururudzira mhirizhonga yavari kupomerwa pamwechete nemuromo riri weChitungwiza North muparamende VaGodfrey Sithole avo vakapihwa kare mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG