Accessibility links

Breaking News

EU Yopa Zimbabwe Rubatsiro rweMari


VaMthuli Ncube nemumiriri weEU muZimbabwe VaJobst von Kirchmann
VaMthuli Ncube nemumiriri weEU muZimbabwe VaJobst von Kirchmann

Zimbabwe nhasi yapihwa rubatsiro rwemamiriyoni makumi mana nematanhatu emadhora ekuAmerica, US$46 million, kubva kusangano reEuropean Union (EU) pasi pechibvumirano chasainwa nehurumende neEU muHarare nhasi.

Pasi pechibvumirano chaisainwa nemuriri weEU muZImbabwe, VaJobst von Kirchmann negurukota rezvamari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, bazi rezvehutano richawana mamimiriyoni makumi mana ekusimbaradza nyaya dzehutano uyewo Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) yapihwa mamiriyoni makumi mashanu nemazana mapfumbamwe nezviuru zvemadhora ekushandisa pasarudzo.

VaNcube vatenda EU vachiti rubatsiro urwu ruchabatsira zvikuru mukuchengetedza hupenyu pamwe nekuti vanhu vave nehutano hwepamusoro soro.

Vatiwo kutsigirwa keZEC kwakakosha sezvo kuchiuya apo hurumende iri kuda kuti munyika muve nehutongi hwejekerere sezvo zvakaonekwa kuti izvi ndizvo zvinoita kuti nyika ibudirire munyaya dzehupfumi.

VaKirchmann vati vanofara kutsigira mabasa ehutano munyika vachiti vanhu vane hutano vanorarama kwenguva yakareba vachishandisa nyika yavo

Vatiwo sarudzo dzakajeka uye dzinotwa murunyararo dzakakosha kuti munyika muve nebudiriro.

Vanotiwo vachatsigira masangano anoshanda akazvimirira. Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Doctor John Mangwiro, vati rubatsiro rwavawana nhasi rwakakosha zvikuru pakusimbaradza hutano hwevanhu munyika.

Dr Mangwiro vatiwo mari iyi ichaita kuti nyika igare yakagadzirira kana pakanyuka zvirwere zvakaita seCovid-19.

Vaenderera mberi vachiti, mari iyi ichashandiswawo pakusimbaradza vashandi vehutano mumisha kana kuti maVillage Health Workers avo vati ndivo vanhu vanotanga kubatsira vanhu panyaya dzehutano vasati vaenda kumakirinika kana zvipatara.

Vaimbove gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vati danho rekuti mari iyi ishandiswe kutsigira hutano pachidanho chepazasi zaisi rakanaka chose.

Vachitaurawo pachiitiko ichi sachigaro veZimbabwe Electoral Commission, Justice Priscillar Chigumba, vatenda rubatsiro rweEU vachiti runobatsira zvikuru pabasa rekuronga sarudzo.

Vati rubatsiro rwava kawana kubva kuEU mu2016 kusvika muna2020 rakwakabatsira munyaya dzekunyoresa vanhu kuvhota pamwe nekuita misangano nemapato ezvematongerwo enyika akapinda musarudzo dza2018.

Justice Chigumba vati kunyange hazvo ZEC ichiwana mari kubva kuhurumende zvinofadza kuti EU iri kuramba ichitsigira komisheni yavo nemari yekunze kuti ikwanise kuita sarudzo.

Sachigaro werimwe remasangano anoongoorora sarudzo munyika, reZimbabwe Election Support Network (ZESN), VaAndrew Makoni, vanoti zvaitwa neEU zvakanaka nekuti bumbiro rinobvumidza kuti makomishen akaita seZEC awane mari kubva kunze kwenyika.

Vatiwo pane basa rakawanda rinoda kuitwa sarudzo dzisati dzasvika uye ZEC inofanira kuva nemari inokwana kuita basa rese iri.

Zimbabwe iri mushishi rekukagadzirira sarudzo dzemutungamiriri wenyika, paramende nemakanzuru kana kuti, Harmonised Elections, gore rinouuya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG