Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vodzoserwa kuChikurubi Nyaya Yavo Ichinzi Ichanzwikwa neDare neChitatu


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Mumiriri weZengeza West muparamende VaJob Sikhala nhasi vasvitsa chikumbiro chavo chechipfumbamwe chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo zvichitevera kusungwa kwavakaitwa mazuva zana nemakumi matanhatu adarika.

Mutongi wedare, Muzvare Tafadzwa Mhiti, vati vachatura mutongo wavo neChitatu panyaya iyi.

Vachisvitsa chikumbiro ichi kudare, gweta raVaSikhala, Adovate Thabani Mhofu, vati nguva yarebesa vari muhusungwa kubva pavakasungwa mazuva zana nemakumi matanhatu apfuura. VaMpofu vati nekufamba kwaita nguva mapurisa akatopedza kare kuferefeta nyaya iyi saka hapana humbowo hungakwanisa kuvhiringidzwa naVaSikhala.

Vaenderera mberi vachiti pane zvashanduka kubva pavakasungwa vachiti vamwe vanhu gumi nevashanu vanosanganisira mumiriri weChitungwiza North muparamende VaGodfrey Sithole vakatobuditswa muhusungwa pamhosva ine chekuita nenyaya yakasungirwa VaSikhala.

Asi muchuchisi wenyaya iyi, VaGeorge Manokore, vati havaone chachinja kubva VaSikhala pavakambonyimwa mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo nedare ramejasitiriti pamwe nedare repamusoro realign Court. Vati VaSikhala vakabuditswa muhusungwa vanogona kuramba vachipara mhosva yakafanana neyavari kupomerwa VaChinosengwa aka hakusi kekutanga kuti VaSikhala vapomerwe mhosva yakadai.

Rimwe remagweta aVaSikhaka, VaJeremiah Bamu, vatenda kuti vasvitsa zvikonzero izvi kudare vachiti vanoona sekuti zvavasvitsa kudare zvinhu zvavari kutarisira kuti zvichagutsa dare.

Mune imwewo nyaya yavari kupomerwa kuvhiringidza kufambiswa kwenyaya mumatare ine chekuita nekupambwa kwenhengo yebato ravo reCitizens Coalition for Change, Muzvare Moreblessing Ali, dare rati chikumbiro chaVaSikhala chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo yanzi igodzoka kudare mangwana kuti chikumbiro chavo chigotanga kunze kunzwikwa sezvo mutongi wedare ati nguva yanga yapera.

Panga pachinzwikwa nyaya iyi idzi mudare, mapurisa anorwisa mvongamupotopoto anga achirambidza veruzhinji kupinda mudare kunyange hazvo vanhu vashomanana varivo vakwanisa kupinda mudare vachinzwa nyaya idzi.

VaSikhala vakasungwa mushure mekupambwa kwakaitwa Muzvare Ali kuNyatsime nenhengo yeZanu PF, VaPius Jamba, avo vakatobvuma mhosva pamberi predate. Mutumbi waMuzvare Ali wakazowanikwa uri mutsime repane rimwe purazi riri pedyo neBeatrice wave kuora. Hama dzemufi dzinoti hadzisi kuzoviga Muzvare Ali kudzamara VaSikhala vabuditswa mujeri.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, dare rarasa chikumbiro chemutori wenhau Hopewell Chin’ono chekuti nyaya yaari kupomerwa yekuvhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare chiraswe.

Chin’ono anonzi akanyora padandemutande rake reTwitter nezve kusungwa kwakaitwa mutungamiri weZimbabwe Miners Federation, Muzvare Henrietta Rushwaya avo vakabatwa panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport vachida kubuditsa goridhe rairema makirogiramu matanhatu zviri kunze kwemutemo.

Mutongi wedare, Amai Munodawafa Gofa, vati Chin’ono anofanira kuti atongwe nenyaya iyi vachiti mapepa emhosva ari kuburitsa mhosva zviri pachena asi Chin’ono anofanira kupindura mhosva yaari kupomerwa paichatongwa.

Gweta raChin’ono, VaGift Mtisi, vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika panyaya iyi. Amai Gofa vati Chin’ono agodzoka kudare musi 13 Zvita pachatanga kutongwa nyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG