Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaDouglas Mwonzora nezuro vakakunda musarudzo dzebato iri dzekuvamutungamiri sezvo pari kunzi hapana akakwanisa kudomwa kuti akwikwidzane navo pakongiresi iri kutarisirwa mwedzi unouya.
Kuvhota uku kunonzi kwakaitwa neNational Council yebato iri mushure memusangano weNational Executive neStanding Committee.
Vamwe vainzi vaida kukwikwidza chigaro ichi vakaita sasachigaro webato VaMorgan Komichi, mumwe mutevedzeri wavo VaElias Mudzuri, naVaNorest Marara vanonzi havana kusarudzwa.
Asi vamwe mubato iri vasina kuda kudomwa nemazita vanoti havana kufara nekuitwa kwesarudzo idzi vachiti dzainge dzisiri pachena. Vanoti matunhu ose aifanira kuvhota sezvinotarisirwa.
Asi mutauriri webato iri VaWitness Dube vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa pane zvakaitwa. Mumwe wemutevedzeri wemutungamiri webato VaChief Ndlovu vakasarudzwawo pasina achavakwikwidza.
VaKomichi vakasarudzwa nevanhu vashoma pachigaro chasachigaro pamwe naVaMudzuri pachigaro chemutevedzeri wenyika wechipiri asi vari kukukwikwidzana nevamwe.
Zvigaro zviri kukwikwidzwa zvinoti chemutungamiri webato, vatevedzeri vaviri, sachigaro nemutevedzeri wavo asi vamwe vose vachaita zvekusarudzwa nevakuru vebato ava.
Facebook Forum